Mutyairi otongwa neyekutsika sekuru

MUTYAIRI wemotokari wekuChitungwizwa, wekumiswa mudare achipomerwa kutsika sekuru vaive nemakore 82 okuberekwa vachibva vafa, ava kuedza kuvhika mhosva iyi achiti musharukwa uyu ainge akadhakwa panguva yakaitika tsaona iyi.

Chinamasa Felix Rangai (42), uyo ane rezinesi rekutyaira reClass 4 ne5, akatanga achibvuma mhosva asi pakupedzisira ndokunge opomera mufi, Kandirira Lenso, achiti ndiye akakonzeresa kufa kwake sezvo akasvetukira pamotokari yake nekuda kwekudhakwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts Takundwa Mutetwa akati Rangai adzoke kudare zvakare uye anofanira kuuya nevafakazi vanoziva zvakaitika.

“Wambenge uchibvuma mhosva asi kutaura kwawave kuita uchiti ave mufi uyu akange akadhakwa nekuti akajambira pamotokari yako zvinoreva kuti uri kupikisana nemhosva yauri kupomerwa. Nokudaro dare rinokumbira kuti uunze vafakazi vanotsinhira mashoko ako uye umboo huzere,” akadaro mutongi Mutetwa.

Pakatanga dare iri, Rangai akabvuma kuti akatsika Lenso mumugwagwa waSeke zvakakonzera rufu rwake. Asi akazogumisira nekuti mufi uyu akabatsiridzawo mukukonzera rufu rwake sezvo akasvetukira pamotokari zvichikonzerwa nekudhakwa kwaainge akaitwa. Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti nomusi wa5 Chivabvu mugore ra2014 munguva yeusiku, Rangai aityaira motokari yerudzi rweMazda B2500 ine nhamba dzinoti AAW 8370 ari mugwagwa waSeke.

Asvika pedyo nepaWater Works, anonzi aimhanyisa motokari zvakanyanya uye asingacherechedze mumugwagwa zvakanaka kana kushandisa njere kuti adzivirire tsaona. Izvo zvakaita kuti atsike Lenso achibva afira ipapo.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mutumbi wemufi akaverengerwa musungwa mudare uye anotsanangura kuti akafa nekuda kwetsaona iyi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *