O-LEVEL — Museve usingapotse/tambaoga mwanangu…Kususukidza rungano

Munyaradzi Gunduza
Zviitiko zvinosundira rungano mberi (Tinoenderera mberi):

Chinosundira rungano mberi kubvuma kwaMambo Mupambi kubatsira Pondai nemauto.

Tinozviona pavanovimbiswa naPondai kuti vakamubatsira kurwisa Mambo Chakaingesu akakwanisa kutora umambo hwavo aizovapa vakadzi gumi vakanaka, ndarira dzinokosha negurusvusvu remombe. Mambo Mupambi vanobva vabvuma kubatsira Pondai pavanopihwa vimbiso iyo yakavatora mwoyo. Izvi zvinoita kuti pamauto aMambo Mupambi pazosarudzwa varume vakasimba vaifanira kunogara musango kwemazuva makumi maviri vachikoka simba rehasha segadziriro yekurwa hondo naMambo Chakaingesu.

Rufu rwaMambo Chakaingesu rwunofambisira rungano mberi. Tinozviona Mambo Chakaingesu pavanobva kuninga yaivigwa madzimambo avo vachimhanyira kumuzinda kuti vanorwisana nemauto aMambo Mupambi akanga achida kupamba musha wavo.

Vanosangana naPondai pamuzinda ndokufara vachifunga kuti vawana mubatsiri asi anobva avabaya nemuseve pabendekete ndokuzovapedzisa nemimwe gumi. Izvi zvinoita kuti Pondai azopa Nyamaropa mombe zana nemhandara gumi dzaisanganisa vakunda vaMambo Chakaingesu kuzadzisa chibvumirano chaakanga aita naMambo Mupambi kuti ndizvo zvaaizovaitira kana akunda kutora umambo.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

TAMBAOGA MWANANGU

Matambudziko:

Kune mhando shanu dzemibvunzo inotenderedzwa ichida matambudziko; wekutanga ndewematambudziko anowira mutambi mumwe chete murungano, wepiri matambudziko anowira vatambi vese; wetatu honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi; wechina unouya wakakupa mazita evatambi anogona kuita mashanu sekuti mutambi (a) anowirwa nematambudziko api kusvika kumutambi (e). Wechishanu unoda matambudziko anowira boka revatambi vanogona kuve vanhukadzi, vanhurume, mhuri zvichingodaro.

10. Tsanangura zvimhingamupinyi zvinosangana naTambaoga pakutsvaga mhondi dzakauraya baba vake uchiratidza kukunda kwaanoita chibingamupinyi chega chega. [25]

Chibingamupinyi chinhu chese chinodzosera munhu kumashure mushuviro yake yekuti abudirire pane zvaanoda kuwana.

Zvimwe zvacho; kupomerwa mhosva yekuuraya baba vake nemakurukota – anokunda nekutiza pamusangano, kutadza kuziva mhondi yakaponda baba vake – anofungira vanhu vese, kunyanya vanhurume vepedyo nemuzinda, kuramba kubatsirwa naTapiwa kuti vaitire VaZinwamhanga mutambo – anomunyengerera nekusunamisa chiso achibva abvuma, kudzipirwa munin’ina naVaZinwamhanga – anokunda nekuvaudza zvine hasha kuti vamuregedze, kusungwa – anokunda nekuenda kunogara musango, kugara musango – anokunda nekuuraya VaZinwamhanga vaida kumuuraya, kurwiswa naVaZinwamhanga vachida kumuuraya – anokunda nekuvauraya, kutorerwa bakatwa rakauraiswa baba vake – anozovatorera bakatwa iri pavanoenda kumba kwavo vachida kunotaura namai vake akavanda mudengu.

Tinogona kuti honzeri yematambudziko mazhinji anowira Tambaoga nevamwe vatambi ndiVaZinwamhanga.

11. Tsanangura matambudziko anowira vatambi muna Tambaoga Mwanangu. [25]

Vatambi vanowirwa nematambudziko anotevera; kutsakatika kwaMambo Mupakaviri – rinowira mhuri yavo nemakurukota, rufu rwamambo – runowira mhuri nedunhu ravo, kutadza kutakura chitunha – Tambaoga, kudzipwa – VaTakanongwa naTapiwa, kupomerwa mhosva yekuuraya mambo – Tambaoga, kurohwa negumbo pachirebvu – Tambaoga paanopindirwa naVaZinwamhanga mugota make, kubaiwa nemuseve pabendekete – Chigiya, kusungwa nemusungo – VaZinwamhanga pavanopinda mugota maTambaoga usiku, kuneta – Tambaoga anotadza kumhanyisa murume waanosangana naye muninga, kumhanyiswa nemiseve mitsvuku – VaMombeshora, kurohwa nemubato wepfumo – VaMombeshora.

12. Tsanangura madingindira anowanikwa murungano Tambaoga Mwanangu. [25]Dingindira ndiyo pfungwa huru inenge ichiburitswa nemunyori murungano kuti isu tizive. Ukabvisa pfungwa iyoyo rungano rwunogona kutadza kuenda mberi. Munoburitsa dingindira moritsigira muchiratidza zvarinoita kususukidza rungano. Madingindira acho; ungwaru (umhare), ruchiva, ushingi, ushe, hondo, umhondi, ukama nemamwewo.

. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *