GRADE 7: Tsumo dzine hudzamu

Ticha Danga
KUTI banga kana demo rirambe rakapinza rinopota richironzwa kana kutombopfurwa chaiko. Rikasarodzwa rinopedzesera ragomarara roguma risisacheke kana kutema sezvaraiita pakutanga. Ndizvowo zvimwe chete nepfungwa dzemudzidzi. Dzinodawo kugarorodzwa nekudzidzira zvidzidzo zvakati simbei setsumo dzakadzama; kushandisa madikira, nyaudzosingwi nefananidzo muzvirevo.

Rwendo rwuno tinoda kurudunura tsumo dzine hudzamu apo tichadzitsanangudza zvadzinoreva. Chatinoda kuziva ndechekuti tsumo dzinoshandiswa kudzidzisa, kuratidza, kutsiura kana zvimwewo zvinosimbisa mutauro.

Ukanzwa vakuru voti kuita mandirini asiri pamunhu vanenge vachikuyambira kuti usashora. Vanhu vanogona kushora munhu mushure mekutadza kuita chimwe chinhu asi ivo vakanzi vachiite vokoniwawo.

Zvinonzi shiri ine muriro wayo haiuregi. Vanhu vane maitiro avo ndiwo avanongogara vachingotevedzera.
Nekudaro vanhu havafanirwi kuvhundutswa namaitiro evanhu vanogara vakatsamwa kana kuti vanogara vachipopota nekuti ndiwo magariro avo. Ndipo panopinda tsumo inoti, “Ngezvemo zvimbutu zvamaonde.” Ukazoona munhu oshandura tsika dzaanozivikanwa nadzo ndipo panonzi, “Indura manhanga mutengeni kubara mbura.”

Tsumo yekuti, “Murombo haarovi chine nguo” inofungidzirwa navazhinji kuti inogumira ipapo. Handizvo kwete, iyi tsumo inonyorwa kana kutaurwa sekudai: “Murombo haarovi chine nguo, chine nguo ndirwo rwushamba rwakatangisa, rwakabvira kumahumbwe.”

Izvi zvinoreva kuti murombo haagoni kuita chinhu chaanogona kuchengeta kwenguva refu. Anogara asina nechii chose, kuri kuvhima anongogumirawo mututsuro netwudhimba.

Munhu ane tsika dzake dzakaipa anoedza kubata vamwe maziso achikanda twakanaka mukuita kwake kuti avhare huipi hwake.
Zvino kana aching ari musikana anga ari nzenza ava kuda kuwanikwa, anoedza chose kuzvitsigisa agotoita mukadzi musvinu chaiye. Vakuru vanoraira vachiti, “Manomano echakata kutsvukira mumuti hanzi ndipotserwe.”

Hupfumi hauna kuringanwa, chakaringanwa ibvudzi. Izvi zvinodudza kuti chero uri pakati pevapfumi, kuwana kwavo hakuna kufanana. Hupfumi hwavo hauna kuenzana.

Kune vanhu vanotadzira vanhu vanovabatsira muzvakawanda. Vanotsveta rubatsiro rwavakapihwa kudivi votanga kunetsana kana kuresvera vaya vakambovabatsira.

Ndipo panopinda tsumo inoti, “Kwamaindigikira ndiko moringa deyateya.”
“Munhu anogona kutumwa kune imwe nzvimbo agoenda achimhanya zvakaomarara. Chiri kusi kwekutumwa uku ndechekuti agara aine zvaanga achida ikoko saka kutotumwa uku kwabatsira kuti munhu iyeye asvike panga paine moyo. Ndizvo zvinonzi navakuru, “Kubvuma rwendo kweane gumbo.”

“Mafutura avakatangapo kare kususukidza svingo nechirongo.” Iyi tsumo inodudza kuti kana munhu achinge atanga chinhu anoda kuva mukuru kwachiri. Tsumo iyi inonyanyotaurirwa varoora apo mukadzi akatanga kuroorwa anoda kutungamirira vakadzinyina vake.

Kune vamwe vanhu, vanhu vanogona kunyengera vamwe kuti vasaite basa ravanenge vakafanira kuita ivo vachiziva havo kuti vakatopedza ravo.
Ndipo panopinda tsumo inoti, “Made etsvimborume ekudya yakawaridza.”

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×