NHAVA yedu tinoda kunyatsoitsindira nembuva kuti ifashukire. Rinenge rava dura redu rekupota tichimora paya patinenge togomberwa. Munhava iyoyi tichapakira zvakawanda asi pari zvino tichingori patsumo dzinoreva zvakafanana.
Mukutsokera mbuva munhava hatingotore dzese dzese mbuva nekuti dzimwe dzinoora naizvozvo hatitsvage ruzivo rwakasara kumashure tichiisa imomo kwete. Tinomora zivo ine pundutso mune ramangwana kuti tisazowanikwe takasara.
Vakuru vanoti dziva guru idiva kamwe ukadzokerako unowana ngwena dzasvinura. Tsumo iyoyi inoreva zvimwe chete neinoti Tsuro haipone murutsva kaviri. Zvinoreva kuti kana uine chakaipa chaunoita chinogona kubudirira musi iwoyo. Iwe usazofunga kuti uchagara uchibudirira muchinhu ichocho nekuti ukachidzokorodza unogona kubatwa kana kupinda mutsekwende.
Ndarira imwe chete hairiri mugumbo. Zvinodudza kuti zvinhu zvese kuendeka hubatsirana. Hapana anoita chinhu chikuru ari ega chikabudirira. Vanhu vanoita mukomberanwa kuti zvinhu zvifambe. Inoenderana netsumo inoti rume rimwe harikombi churu. Kunouyazve imwe inoti chara chimwe hachitswanyi inda.
Chiri pamuchena chiri pamutenure inofambirana neinoti murombo haarovi chine nguwo. Idzi tsumo dzinodudza kuti wekushaya ndewekushaya haana chaangagone kuita nekushaya kwake.
Paanoda kuti asvamire pane vanowana zvinobva zvaita nepamwe odzokerazve mumajokochwa make dambudziko roramba kumuperera.
Hanzi navakuru pfupa jena rakabva panyama. Izvi zvinoreva kuti munhu kuti agokura kuita zijaha, mhandara kana saimba, pane vakamusvusvudzira vachimurera kusvika akure kusvika paave.
Zvinofanana zvakare netsumo iya inoti nzombe huru yakabva mukurerwa.
Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru itsumo inoreva zvakafanana neinoti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana. Inobatana zvakare neiya inoti kuchera mbeva hukomberana. Zvinoreva kuti paita vazhinji ndima inoreruka uye kuti basa rifambe karikiriki rinoda kukutsiranwa.
Vagoni vanoti zvikomo zvinopana mhute kuti mvura inaye. Tsumo iyi inoreva kuti vanhu vebandiko rimwe chete vanopana mazano kugadzirira zinhu.
Kana ari mabasa emari vanopanana nehuzera hwavo kuti zvavanenge vachida zvigofamba. Havangasiyi mumwe wavo achitambura asi kuti vangoita mudeme mudeme kuti zvavarikuda zvigozadzikiswa.
Tsumo iyi inoreva zvakafanana neinoti makudo ndimamwe akaona mhani anowirirana.
Ndakambotaura nezvetsumo inoti akanga nyimo avangarara. Ndakati tsumo iyi inoenderana neinoti ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.
Ndakasiya imwezve tsumo inoenderana nembiri idzi inoti atanda nondo haatyi kureba makan’a. Tsumo dziri nhatu dzinodudza kuti munhu anoita chaanoziva kuti chakaoma kana kuti chingatsoropodzwa nevanhu anotofanira kushinga.
Zvaita sei kuti chembere yorasika, bere rorutsa imvi? Iyi tsumo yakafanana neyekuti kanyenye kotsakatika gondo roonekwa rakaruma nyama.
Kazhinji vanhu vanozofungira zvimwe zvinhu mushure mekuona chimwe chiitioko chinokonzera kuti vave nemafungiro akadaro.
Tsumo yekuti waita mbereko akakusuka machira inoreva zvakafanana neinoti achemedza mbudzana yake akura. Ndizvo zvimwe chete neinoti wanzi baba wada kamusha kake. Zvinoreva kuti kana munhu ava mubereki ngaachitosiyana nezveupwere.




