CHITSAUKO 10 (Ongororo: Enderero mberi)
Kudimikira ndiko kumwe kwatinoona kuchishandiswa kurunga mutauro. Matsanangurirwo anoitwa varwi vadzidziswa naRevai uku kunoratidza kugona kwavo basa tinokuona paPeji 96 kuchishandiswa sokudai: “Nyuchi ndidzodzi dzichakuchengetai, mikoko tavaka kunze kwemusha. Nyuchi idzi dzichaita sokuda kwaMambo.”
Revai ane zvaanoda kutaurira Mambo Machingauta asi vanokurumidza kutaura Revai asati apedza zvaainge achida kutaura tomunzwa achidimikira achiti, “Mandidzipa ndisati ndarutsa rangu shoko nechinangwa sekuru” (97). Chigange ane shungu nezvinangwa izvo anazvo zvakafanana nekunodzorera kurohwa kwaakaitwa naMambo Dendera asi zvese izvi ari kungozvifungira ega pasina anoziva saka zvichinzi zvose izvi “yainge fungiramumwoyo rwendo rwembwa” (99).
Choruma munhu anoda ukuru zvino apo asingasarudzwi kuve mukuru wemauto anobva ashungurudzika zvikuru izvo zvinonzi, “Akazvidya moyo” (100). Varwi vari kuenda kunotora upfumi ava kubva kuna Mambo Chokupamba vari kukurudzirwa kuti vave vanhu vakashinga nekudaro kana vanhu ava varamba kuvapa upfumi vanokurudzirwa vachinzi, “Muchasimudza mazenze enyu movamedza . . . muchavaratidza kuti mune meno anocheka zvakapinza chaizvo”.
Kana iyewo Mambo Machingauta haadi kusarira mumashure semuswe nenyaya yekudimikira iyi. Vanodzorerawo Revai vachidimikira vachiti, “Kana zvakadaro muzukuru, dotipakurira kazano kako tinzwe kana kachitsengeka” (98). Zviri kuda kuitwa naRevai izvi zvichakanganisa ugaro hwakanaka hwevanhu vaMambo Machingauta izvo mambo anodimikira achiti “. . . isu tange tigere muuchi nemukaka zvakanakisa kudai?” (97).
Pachadiwa vanhu vacharwisa varwi vaMambo Chokupamba avo vachatanga nyaya iyi vachishandisa zvavo unyanzvi hwemangamanga ivo vachiziva kuti ndivanagodobori pakurwa izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “nevachatanga kuratidza unyanzvi hwembada kumara mazino inawo” (103).
Enzaniso tinodziona dzichikwikwidzanawo nemadimikira. Zvose zviri kuda kuitwa naRevai, Mambo Machingauta achanyatsoziva pachena “seshura” (95).
Matambiro aiita varwi vaRevai akashaisa vanhu nerekureva. Zvinonzi mutsindo wavaiita wakaramba uripo “sevaitamba shangara” (95).
Vapedza kutamba kudai vakaonekwa vachimhanya “semapenzi” (96) vakananga paminzwa iyo vakatsokodzera vachitsika netsoka dzavo. Revai anoti dzi kumira pamberi pavo “segondo” (96) kwava kutanga kutaura.
Mambo Machingauta vanokahadzika zvikuru apo vanonzwa zvinotaurwa naRevai munhu mukuru ongoonekwa wanei angoshama muromo “venge chura chisingagone kuvhara muromo” (97).
Mukukurudzira kwavanoita mauto ari kunorwisa Mambo Chokupamba, Ishe Machingauta vanoti, “Munonorwa imi seshumba” (100). Apo Choruma zita rake rinodomwa kunzi ndiye achava godobori revarwi, murume uyu anoonekwa ava kusvetuka nemanyawi kwava kuzvizunza “semunhu akurira patsiva” (100) maoko ose ari mudenga.
Choruma anozvipira kuti iye achave wokutanga kunorwisa nyanzvi yemuvengi kumeso kwake kwakasungwa kuti tsinini “seanoona marutsi” (103). Izvi zvinotiratidza kuti ainge achisemeswa nemuvengi Tafirei apo anotaura naMambo Chokupamba haaratidzi ushingi unogutsa mambo uyo anoti sei achitaura “segwara” (105) kudaro.
Panosvika mhandu mumusha waMambo Chokupamba hapana chakanaka.
Vanhu vainge riri bishi kututana nepwere vachienda muchikomo chemhiri kwerwizi munhu oga oga hana ichirova kuti pangu pangu “kunge dzichatsemura matundundu” (104).
CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho)
Vachisvika mumusha waIshe Chokupamba, varwi vaRevai vanokwaziswa nerunyararo, musha wava dongo ndokushaya kuti vangabvunza ani.
Enderero mberi svondo rinouya.



