Imhosva kudzidzisa mwana chipfambi: Dare

MUKADZI wekudzidzisa kamwanasikana kemuvakidzani wake mabasa echipfambi akakomekedzwa nedare kuti asiyane netsika iyi zvachose sezvo iri mhosva huru.

Amai vemwana uyu vakamhan’arira Sarai Karikoga kuChitungwiza Magistrates’ Courts uko vakademberera kuti vaida gwaro rinodzivirira mwanasikana wake ane makore 16 okuberekwa kubva kuna Karikoga uyo wavanopomera kumufundisa chipfambi.

Amai vekasikana aka vakati vakatanga kunyumwa apo Karikoga aituma muzukuru wake kuzodaidza mwana wavo kuti vatandare vose kumba kwake izvo zvaishamisa kana zvichitariswa kusiyana kwezera ravo.

“Mai ava ishe wangu, muvakidzani wangu asi zera ravo nemwana wangu harikodzere kuti vaite kunge shamwari neshamwari nokuti hatina hukama. Asi chinoshamisa vanogarotuma muzukuru wavo kuti adaidze mwana wangu iye oenda onoti nya-a ariko, haadzoke.

“Anozouya kumba nguva yaenda, uye ndakabvunza amai ava kuti chii vakati kungosunungukawo zvavo kumwana. Asi handina kuzvitenda, ndakangoramba ndoongorora kuti chii chiri kuitika kusvika pandakazonyeperwa nemwana wangu kuti ari kunoona sisi vake kuKwekwe ndokurega kudzoka. Paakazouya kumubvunza kuti waivepi mushure mekunge ndazochaya nhare kuna sisi vake avo vainge vasina kumbomuona, ndipo ndakazoudzwa zvose.

“Mwana akati iye ainge aenda kumafaro nevamwe vakomana uye ainge aendeswa naKarikoga uyo aiti mari yaaipihwa nevarume kana tukomana twaaida kuti tuite zvatunoda naye vaigovana izvo zvakandityisa.

“Mai ava kuitisa mwana wangu chipfambi here kuti vawane cheuviri? Ndakatozoona kuti ndingaite hondo navo amai ava saka ndati vedare, pindirai henyu nokuti ndingaite ngozi,” vakadaro amai vemwana uyu.

Karikoga akaramba mhosva iyi achiti anongove nehushamwari nemwana uyu sezvo vakavakidzana uye haana mumwe munhukadzi waanoudza zvinomunetsa.

Mutongi Shortgame Masaiwona akati hunhu hwaKarikoga hwakashata uye inotova mhosva huru kuitisa mwana mudiki zvechipfambi.

Nokudaro akapa amai vekasikana aka gwaro rinodzivirira mwana wavo.

Karikoga akakomekedzwawo kuti asafe akataura nemwana uyu zvakare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×