Gringo achiri kurwara

Abel Ndooka
SHASHA yemadhirama anosetsa zvikuru Lazarus ‘’Gringo’’ Boora achiri kusimbirwa nemuviri wake uye svondo rino anonzi akamboendeswa kuchipatara kuNyazura anzwa mudumbu umo maimushungurudza.

Muna Gumiguru gore rapera, Gringo akavhiiwa nemachiremba kuchipatara sezvo appendix yake yainge yakanganisika izvo zvakaona achimbogara muchipatara kwekanguva uye veruzhinji vakabatana mukuunganidza mari yekuti arapwe.

Svondo rapera pamberi, Gringo akaudza Kwayedza kuti muviri wake wakange wasimba zvekuti akamboenda kumusha kwake kuti ambonorima.

Asi svondo rino Kwayedza yakaedza kumufonera ichida kunzwa kuti akadzoka here kuHarare, nharembozha yake ndokudairwa nemwanakomana wake — Tonderayi — uyo anoti baba vake havasi kunzwa zvakanaka uye vakange vabuda ndokusiya nharembozha yavo.

“Baba vambobuda parizvino, muviri wavo hausi kuita zvakanaka, vari kunzwa mudumbu,” anodaro Tonderayi.

Kwayedza yakaedza kuda kunzwisisa kuti chii chainge charwarisa Gringo nemudumbu asi Tonderayi akati haazive ndokubva adzima nharembozha.
Pakaedza Kwayedza kuchaya nhare iyi zvekare yakange isisabatike.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *