‘Musatitarisire pasi’

Abel Ndooka
SHASHA yemujaho wewiricheya nebasketball yechidzimai, Margret Bangajena, anoti vanhukadzi vari mune zvemitambo vanodawo kuyemurwa apo vanenge vasimudza mureza wenyika kunze kwavanenge vaenda kunokwikwidza.

Bangajena anoti shuviro yemunhukadzi wese ari mune zvemitambo kuyemurwa munyika yake izvo zvavanoona zvichiitwa kune vamwe vavo vekune dzimwe nyika.

“Isu muno tinoona setisingayemurwe sezvinoitwa vamwe vedu vari mune zvemitambo kubva kune dzimwe nyika. Hameno kuti tingati kuda kwekuti zvinhu zvakati omei here parizvino munyika medu. Asi kana munhu wasimudza mureza wenyika unokodzera kuti uremekedzwe upihwe mucherechedzo wepamusoro unoenderana nebasa raunenge waita,” anodaro.

Bangajena akatanga kukwikwidza mumujaho wewiricheya mugore ra2000 uye ndokuzopinda mumijaho yakawanda muno.

Mugore ra2009, akaenda kunokwikwidza kuSouth Africa kumujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge waive wakareba makiromita 42 ndokuhwina menduru yegoridhe akapemberwa kunyika iyi zvekutobuda paSABC.

Anoti haafe akakanganwa mujaho uyu sezvo wakamuvhurira mikana izvo zvamuona achienda kunyika dzakasiyana uye ari kukwanisa kuraramisa mhuri yake. “KuSouth Africa mugore ra2009 ndakapembererwa zvikuru ndahwina mujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge, ndakabuda kana paSABC vachingotaura nezvangu chete. Ndizvo tinoshuvirawo kuti zvinge zvichiitika muno apo tinoenda kunokwikwidza kunze kwenyika tanomirira nyika yedu,” anodaro. Anoenderera achiti, “Mutambo uyu wandibatsira zvikuru nekuti ndinorarama hupenyu hwakanaka, hongu ndine rimwe basa randinoshanda asi mari yandinotambira haindikwanire saka kuburikidza nemutambo uyu zvandinoda muhupenyu hwangu ndinokwanisa kuzviwana.

“Ndinotokwanisa kutenga zvinhu zvewiricheya yangu kubva kunze kwenyika ndoivandudza.”
Gore rino, Bangajena anoti anoshuvira kutanga sangano rake rinobatsira nekudzidzisa vechidiki vari mune zvemitambo yakasiyana.

Anoti anoda zvakare kudzidzisa vabereki vevana vakaremara mitezo yakasiyana kuti vapinde mune zvemitambo.

“Kana mari dzikabatana gore rino ndinoda kutanga foundation yangu iyo ichange ichibatsira vechidiki vari mune zvemitambo uye nevana vakaremara tichivawanisa mikana yakasiyana,” anodaro.

Gore rino, Bangajena ari kutarisira kunokwikwidza kumijaho yakasiyana kutanga nekuSouth Africa uko ari kuenda munaKukadzi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *