Gringo ave kuruzevha…’Regai ndimbofurwa nemhepo’

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama anosetsa, Lazarus “Gringo” Boora – uyo akamborwara zvekupinda muchipatara nguva yadarika – anoti asimba uye pari zvino akamboenda kumusha kuNyazura kumbonosakura kumunda wake.

MunaGumiguru gore rapera, Gringo akavhiiwa nemachiremba kuchipatara sezvo appendix yake yainge yakanganisika izvo zvakaona achimbogara muchipatara kwekanguva uye veruzhinji vakabatana kuunganidza mari yekuti arapwe.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Gringo anoti asimba zvekuti akatoenda kumusha kumbonorima nekusakura.

“Muviri wangu wave kuita zvakanaka manje, iye zvino ndakamboenda kumusha kuNyazura, ndiko kwandiri kumbofurwa nemhepo uye ndichimboona kuti zvirimwa zvangu zviri kubuda zvakanaka here,” anodaro.

Gringo anoti achadzoka muHarare munguva pfupi iri kutevera.

“Svondo rinotevera ndinenge ndadzoka muHarare, kana ndadzoka ndokuzivisai.”

Gringo anozivikanwa nemadhirama anosanganisira Gringo, Gringo Ndiani nefirimu rinonzi Gringo Troublemaker.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×