Mari yechikoro haisi kuzokwira – Hurumende

Elita Chikwati

HURUMENDE iri kuyambira vezvikoro zvakazvimiririra kuti havatenderwe kubhadharisa nemari dzekunze uye vachabatwa vachiita izvi vachatorerwa marezinesi anovatendera kushanda.

Inotizve zvikoro zvose zveHurumende hazvisi kuzokwidza mari dzemafizi.

Vakafanobata chigaro chegurukota redzidzo yepuraimirai yesekondari, Professor Amon Murwira, vanoti zvikoro zvemabhondingi zvichatenderwa kuwedzera mari yelevy nechikamu chisingadarike 20 percent asi ndokunge vabereki vatenderana nazvo uye zvabvumirwa nebazi ravo.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa svondo radarika vari mumusha weKuwadzana, muHarare, kuti Hurumende haisi kuzotendera kuwedzerwa kwemari nezvikoro zviri pasi payo.

“Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari rinoda kuzivisa kuti hapana mari yefizi ichakwidzwa muzvikoro zviri pasi peHurumende. MaProvincial Education Directors, District School Inspectors nevakuru vezvikoro vanofanirwa kutevedza gwaro iro takatumirwa kwavari. Kana pane achabatwa achipikisana nazvo, acharangwa.

“Hurumende yakaziviswa kuti pane zvimwe zvikoro zviri kubhadharisa nemari yekunze. Vanotungamira zvikoro izvi muri kuyambirwa kuti munogona kutorerwa marezinesi,” rinodaro gurukota iri.

“Mari yebhondingi neyechikafu ichaenderana nemafambiro anenge achiita zvinhu maringe neupfumi hwenyika uye ichange ichitariswa zvine mwero. Vakuru vezvikoro vakapihwa gwaro rekutevedza uye nzira yekufamba nayo panyaya yemari yebhondingi,” vanodaro Prof Murwira.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *