Gudo svaku mubhedhuru

Nhalwenhle Ncube ari kuBULAWAYO
HOROMBA yegudo inonzi svondo rapera yakasvakuka ichibuda mubhedhuru repamwe pamba masikati machena kurukisheni rwePumula, kuBulawayo, apo mwana wepo akangovhura gonhi remumba munorara amai vake.

Gudo iri rinonzi rakasvetukira panze ndokubva ratiza richisiya yangova nyonga-nyonga munharaunda iyi.

Vana vanonzi vakaona gudo iri vakaridza mhere vachitiza neupenyu hwavo.

“Takafunga kuti pane chakaipa chainge chaitika kuvana uye vabereki vane chitsama vakamhanya vachida kunoona zvaitora nzvimbo.

“Zvakatishamisa kunzwa kuti gudo rainge raonekwa munharaunda medu uye vana vakatsanangura kuti rakabuda mubhedhuru remuvakidzani wedu,” anodaro mumwe mukadzi uyo akaramba kuti zita rake riburitswe nekutyira upenyu hwake.

Mumwezve muvakidzani wepamba panonzi pakabuda gudo iri – uyo akangosarudza kuti anonzi Vimbai – anotsinhira achiti, “Hapana anoziva kwakatizira gudo iri uye tinokahadzika kuti rakabva nepi. Munoziva vanhu vagara vaine mafungiro akasiyana pamusoro pezviitiko zvakadai.”

Kwayedza payakashanyira nzvimbo iyi, vana vairatidza kuti vainge vachiri kutyiswa nezvakaitika izvi. Vamwe vasingatyi ndivo vakaperekedza vatori venhau pamba panonzi pakabuda bveni iri.

Mudzimai akawanikwa ari pamba apa anoti haana kuona gudo iri, asi ndokutsinhira kuti pane vana vanoti vakariona.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *