Zupco yovandudzwa

Munyori weKwayedza
DARE reCabinet nemusi weChipiri svondo rino rakaita chisungo chekuti kambani yeZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) ivandudzwe mashandiro ayo kuitira kuti iite basa rayo rekutakura veruzhinji nemazvo.

Izvi zvakaziviswa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau, muHarare.

“Cabinet yaita chisungo chekuti ZUPCO ive nevashandi vakakwana kuburikidza nekupinza basa nekudzidzisa vashandi vakakosha,” vanodaro.

Cde Mutsvangwa vanoti dare iri rakawirirana zvakare kuti ZUPCO ishandise nzira itsva pakubhadharisa vanofamba nemabhazi ayo kuburikidza nekusevenzesa inonzi electronic ticketing system nechinangwa chekuwedzera mari yairi kuwana uye nekufambisa basa zvakanaka.

Nyaya yekuti ZUPCO ipihwe mvumo yekutenga mamwe mabhazi kubva kunze kwenyika kana kutenga mapatsi yozogadzira mabhazi muno, yakanzi inofanirwa kupedzwa nezvayo nechimbi-chimbi.

Dare reCabinet rakati mabazi ezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa pamwe chete nerekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba anofanira kushanda nemapoka akasiyana mukuvandudza nyaya dzekutakurwa kwevanhu mumaguta, vachitanga neHarare neBulawayo.

Cde Mutsvangwa vanotizve muHarare, chirongwa ichi chichabatanidzirawo kupedzwa kugadzirwa kwemugwagwa weAriport Road, flyover yekuenda kumugwagwa waEnterprise Road nemamwe maflyover emuguta iri nechinangwa chekudzikisa kuwanda kwemotokari mukati meguta.

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde July Moyo, vanoti chirongwa cheZUPCO chekutakura vanhu mumaguta nemadhorobha chiri kufamba zvakanaka zvikuru.

“Tiri kukwanisa kubhadhara mari inodiwa kuti mabhazi aya afambe izvo zvinove zvakakosha,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kubhadhara $700 pazuva kumabhazi ari kuhaiwa kuti abatsirane neZUPCO mukutakura veruzhinji.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *