Gunners yorwira mukombe

MURAIRIDZI weGunners FC, Kuda Masaraure, akatsidza kuti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigohwina mukombe weYadah Tv Top 8 Knockout Tournament.
Mukombe uyu uri kukotsverwa naProphet Walter Magaya wechechi yeProphetic Healing Deliverance Ministries (PHD) uyo anove zvakare muridzi wechikwata ichi.

Masaraure anoti zvakakosha chaizvo kuti vahwine mukombe uyu sezvo “uri mukombe wemumusha”.

Munguva ichangodarika, Gunners yange isiri kutamba zvinogutsa asi svondo rapera yakahwina mutambo wayo weligi apo yakarakasha Starbill 2-0 ndokukwira kunogara pechipiri palog.

Svondo rino, mumutambo weYadah Tv semi-fainari, ichasangana neNgezi Platinum uye inofanirwa kuhwina kana ichida kupinda mufainari kuti igorwira mukombe uyu.

“Tanga tichigadzirira kwenguva refu kuti tigorwira mukombe uyu, isu chishuvo chedu kuti tiuhwine.

“Mukombe wemumusha medu uyu saka hatifanirwe kusiya uchitorwa uchiendwa nawo kune zvimwe zvikwata.

“Isu tiri kurwira kudzokera muligi rePSL saka tiri kutoda kuti tienda nemukombe uyu muPSL gore rinotevera uye tinoziva kuti kuuhwina kuchasimudzira morari yedu zvikuru,” akadaro Masaraure.

Mune mumwe mutambo uchange uriko wesemi-fainari, uchaona Mushowani Stars ichisangana neZRP Football Club.

Mushowani Stars svondo radarika yakaita mangange 0-0 neBlue Swallows kozotiwo ZRP yakakunda Commando 1-0.

Mutambo uyu unotarisirwa kunge uchinakidza kukunda ngoma kurira sezvo zvikwata zviviri izvi zvichange zvichirwira kupinda mufainari.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×