Paralympics dzotanga

GADZIRIRO dzemakwikwi eZimbabwe National Paralympic Games dzotanga uye chikwata cheHarare chinoti rwendo rwuno chinoda kutora mukombe uyo uri kurambira kupurovhinzi yeMasvingo.
Vachitaura nezvemakwikwi aya, Education Officer kubazi rezvemitambo, tsika nemagariro, VaChristopher Katore, vanoti achange aine musiyano sezvo ari kuitirwa muHarare kekutanga kubvira zvaakavambwa mugore ra2006.

“Ndekekutanga makwikwi aya achiitirwa muno muHarare nokudaro tinoda kuti zvikwata zvose zvichabva kune mamwe mapurovhinzi vadzokera vachifara vasingatsutsumwe, hatidi kunyadzisa zvakare nekukundwa isu tiri pamuzinda wedu,” vakadaro VaKatore.

Vanoti makwishu aya egore rinotevera achaitwa muna Kubvumbi apo achange achisvitsa makore 8 atanga.

VaKatore vanoti kusiyana nepakatangwa makwikwi aya mugore 2006 apo vainetsekana nekuumba chikwata chimwe chete, vanofara zvikuru nekuti zvikwata zvavo zvave kuwandirwa nevana vanoda kuita zvemitambo.

Purovhinzi yeHarare, vanodaro, iri kugadzirira zvakasimba nedonzvo rekuhwapura mukombe uyu kubva kuMasvingo.

“Zvikwata zvedu zvakatotanga kugadzirira uye tine chokwadi chekuti vachadadisa zvakare tiri kuronga kuti vaenzi vedu vachagara pai uye kupi. Tinoda kuti makwikwi aya aratidze shanduko huru zvioneke kuti apa iHarare yaronga kuburikidza nekugara zvakanaka kwavachaita,” vakadaro VaKatore.

Makwishu aya akanangana nekusimudzira zvemitambo yakaita semijaho yekusvetuka pamwe nekumhanya nemawiricheya kuvana vakaremara.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×