‘Gupuro wandipa asi handiende’

Tafadzwa Mutsotso —
MUKADZI wekudzoka kune aimbove murume wake nechisimba mushure mekunge apihwa gupuro rekurambwa akazopotera kudare redzimhosva achitsvaga kuti asadzingwe pamba.

Zviito Chirikure akaendesa Samora Kandimire kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumudzinga pamba nekumukandira midziyo yake panze.

“Murume uyu anondituka nekundikandira midziyo yangu panze. Ndiri kugara mukamuri imwe chete nevana iye achishandisa mamwe makamuri ose emba. Anogarondirova pamberi pevana. Ini ndinoda kuchengeta vana nekuti iye ega haasi kugona kuvariritira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Akandipa gumbupo rekundiramba muna 2006 asi ini ndakadzoka kumba pamusana pekuti vana vaigarochema pose pavaindiona vachiti ndidzoke kumba.

“Ndini ndaiita zvose zvaidiwa nevana ndiri kumusha kwevabereki vangu saka ndakazongoona zvakandikoshera kuti ndidzoke ndionere vana vangu pedyo.”

Kandimire anoti akasiyana nemukadzi uyu nokudaro kudzoka kwaakaita pamba kunomukanganisa kugara zvakanaka nemudzimai wake mutsva.

“Akadzoka ega pamba mushure mekunge tatove nemakore tarambana. Ini ndave nemumwe mukadzi nokudaro hazvindiitire zvakanaka kuti agare pamba pangu. Ndakatoudza hanzvadzi dzake madzokere aakaita kumba vakati hapana chavaiziva nezvenyaya iyi,” akadaro Kandimire.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Chirikure gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×