Ray Bande
DARE reMutare Regional Court rakambomira zvishoma kutonga nyaya mushure mekunge mukorokoza aipomerwa mhosva yekuda kuuraya munhu azviitira tsvina asati apihwa mutongo svondo rapera.
Ernest Gwayakwaya (22) wemumusha waMushati kwaMambo Zimunya, kwaMutare akabatwa nemhosva, ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nemutongi wedare iri, Mai Phathekhile Msipa.
Gwayakwaya akazviitira tsvina asati abvunzurudzwa nemuchuchisi VaLast Goredema.
Zvisinei, izvi hazvina kumuponesa sezvo dare rakamuwana aine mhosva zvakaita kuti atemerwe chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu anotevera.
VaGoredema vakaudza dare kuti mumhan’ari panyaya iyi ikambani yemugodhi yeSino Africa Mine iyo yakanga ichimirirwa naVaNyasha Chinake.
VaChinake vanoshandira kambani iyi semuturikiri.
VaGoredema vanoti nomusi wa12 Kubvumbi munguva dzemanheru, murindi wepaSino Africa Mine, VaClifford Mutya, vakatanga basa pamugodhi uyu vaine mumwe wavo, VaProsper Tavengwa.
Vaive vakapakatira pfuti ye303, yaive nemabara maviri.
VaGoredema vanoti pakati pehusiku, magadhi maviri aya akatenderera neruzhowa rwemugodhi apo vakaona panzvimbo yaive yacherwa zvisiri pamutemo.
Havana kuona munhu akange achera panzvimbo iyi asi gomba chete rakange racherwa.
Zuva rakatevera nenguva dza6am, varindi vaviri ava vakatenderera zvakare pamugodhi uyu vachida kuona kuti hapana zvaiitwa zvisiri pamutemo here.
Vakaona Gwayakwaya nevamwe vake vashanu vari mune rimwe gomba rakange racherwa goridhe.
VaGoredema vanoti varindi ava vakaonawo masaga akawanda akange aine chitofu chegoridhe ayo akange oda kutakurwa naGwayakwaya nevamwe vake vachibuditsa mumugodhi uyu.
Magadhi maviri aya akati Gwayakwaya nevamwe vake vabude mumugodhi uyu asi vakabva vatanga kuita mhirizhonga vakapakatira mapanga, mafoshoro nesimbi.




