Hadebe oparura sangano rinobatsira vanotambura

Blessing Malinganiza

MUTAMBI wenhabvu ane mukurumbira, Teenage Hadebe, ogadzirira kuparura sangano rinobatsira vanotambura, kunyanya vechidiki vanobva kumhuri dzinoshaya.

Shasha iyi, uyo anotamba pakati muchikwata chenyika chemaWarriors pamwe neFC Cincinnati uye akakurira kuBulawayo, ari kupedzisa gadziriro dzekuparura Teenage Hadebe Foundation, rinove sangano rekubatsira vanotambura munharaunda.

Vamwe vanhu vari pedyo nemutambi uyu vanoti sangano iri richaparurwa mukati memasvondo mashoma ari kutevera, panguva iyo zvimwe zvose, kusanganisira mamiriro aro, zvavepo.

“Sangano reTeenage Hadebe riri kuuya kuzobatsira vanhu vanotambura munharaunda,” anodaro mupi wenyaya iyi.

“Anoda kupa mukana kune vechidiki, kwete zvekungotaurawo njee, kuti vawane zvinobatika.”

Kuna Hadebe, danho iri harina kungonyuka. Zvinodyidzana nehupenyu hwake apo akayaruka ari kuBulawayo achitamba nhabvu pamwe chete nekuenda kuchikoro.

Budiriro yake munhabvu yakamuona achibva munhandare dzekuBulawayo achienda kuEurope, kwozouya Major League Soccer uye kuve mwongo weZimbabwe panyaya dzekusunga mbambo muchikwata chenyika.

Kusiyana nevamwe vatambi, avo budiriro yavo isina hochekoche nekwavanobva, Hadebe asarudza kudzorera kunharaunda yaakakurira.

Sangano iri richange risingabatsire vechidiki vemuBulawayo chete asi kuti munyika yose.

Izvi zvinotaridza rwendo rwafambwa naHadebe munyaya dzenhabvu, kubva mumaligi emuZimbabwe kuenda kune epasi rose.

Nguva yekuparurwa kwesangano iri yakasanangurika.
Hadebe nguva pfupi yadarika akatambira chikwata chemaWarriors kechi50, inove budiriro yaakaita mutambo weAfrica Cup of Nations wave kuda kutanga.

Vari pedyo naye vanoti budiriro iyi yakaita kuti pfungwa dzake dzivandudzike kuburikidza nekuita zvinobatika.

“Anotenda zvakanyanya zvaatirwa nenyika,” anodaro mupi wenyaya iyi.

“Kuparura sangano iri inzira yake zvakare yekutenda rutsigirwo rwaawana kwemakore adarika.”

Danho ratorwa naHadebe iri rinobva ramuisa muchikwata chevamwe vatambi vemaWarriors avo vari kuita zvinoendeka munyaya yekudzorera kunharaunda.

Marvelous Nakamba naJordan Zemura vakatovamba masangano avo kare ekubatsira vanhu vanotambura, apo aimbove mutambi wepakati wemaWarriors, Esrom Nyandoro, ari kuramba achibatsira vamwe vadzidzi nemari yechikoro kuburikidza nesangano rake.

Izvi zvakakosha nekuti zvinotaridza kuvandudzika kuri kuita pfungwa pakati pevamwe vatambi venhabvu.

“Hadebe ange achiona zvake uye achidzidza kubva kune avo vaari kutevera mumatsimba avo,” anodaro.

“Danho iri harina kuuya chiporipotyo kana kuti nderekumanikidzwa. Zviri kubva pasi-pasi pemwoyo wake.”

Kana chirongwa ichi chikanyatsofambiswa nemazvo, Teenage Hadebe Foundation rinogona kuve sangano rinotungamirirwa nemutambi wenhabvu richabudirira zvakanyanya munyika, kwete nekuda kwezita rake, asi zvichibva pazvinangwa zvaro.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×