Blessing Malinganiza
NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah.
Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi wake wokutanga, mutsoropodzi mukuru pamwe chete nemutsigiri akasimba zvakare.
Panguva iyi, akange achiri mutambi mudiki aitsvaga chinzvimbo chake chekutamba nhabvu yepamusorosoro, achangoenda kuKaizer Chiefs, kuSouth Africa.
Kurasikirwa uku kwakamukanganisa zvakanyanya. Akazotaura mushure mechinguva kuti izvi zvakapotsa zvamuita kuti asiye kutamba nhabvu.
Zvisinei, kuna Hadebe, nguva inorwadza zvakanyanya iyi yakave hwaro hwekuzvisimbisa uye kukurudzirwa.
Panguva yose yaanopinda munhandare, achitambira chikwata chake kana kuti chenyika, anotakura ndangariro dzaamai vake nenzira yakasanangurika.
Vatsigiri venhabvu vari kugara vachiona vhesi raanokapfeka mukati mejezi rake.
Kusiyana nevamwe vatambi vanopfeka majezi anenge aine mazita emakambani akasiyana-siyana, vhesi raHadebe rinotakura mashoko akakosha — akanyorwa zvinonyatsooneka kuti “My Mother’s Blessings (Makomborero Aamai Vangu)”.
Ndangariro iyi ine chirevo chakadzika-dzika kuna Hadebe uye ndizvo zvakarunzirawo kuitwa kwetattoo rake rokutanga, iro rine mashoko mamwe chetewo.
“Ndinonzwa kudziirwa ndakapfeka T-shirt iyi. Kana ndichinge ndaneta uye ndiri pakaoma panguva yemutambo, ndinobata pachipfuva changu. Ndinobva ndayeuka kuti ndiani akatanga kuve nerutendo mandiri,” anodaro.
Gore rino rave rechipfumbamwe amai vake vashaika. Hadebe akasarudza kuvarangarira nemucherechedzo wechipiri wakasanangurika uri pamuviri wake.
Kuruboshwe rwemutsipa wake, pazasi pechirebvu, akaisa tattoo rine zita rokuti “Sellinah”.
Runyoro urwu rwunodzika kusvika pachipfuva chake, apo zvinosangana neruva riri kukura (lily) pamwe chete nomusi wakashaika amai vake.
Kusiyana nevamwe vatambi vanoda kugara vakaviga matattoo avo, Hadebe anoda kuti zita raamai vake rionekwe.
“Pandinorova bhora nemusoro, mutsipa wangu unotatamuka. Kamera inozviona izvi. Vandinenge ndichitamba navo vanozviona. Ivo (amai vake) vanozviona. Ndaimboita zvemascouts, zvemakondirakiti, zvemikombe. Iye zvino ndinotamba kuitira kuti vanhu varambe vachitaura zita ravo. Sellinah. Amai vangu,” anodaro.
Hadebe, uyo pari zvino achiri kupora zvichitevera kukuvara kwaakaita, haana kukwanisa kuenda kumutambo wemaWarriors weUnity Cup kuLondon sezvo muviri wake usati wadzokedzana.




