Abel Ndooka
MUIMBI wesungura akamboita mukurumbira Didymus Makochekanwa, uyo anozivikanwa nevazhinji saDidi Katanda, ari mushishi kupedzisa kubika dambarefu rake idzva, raachaparura svondo rinotevera.
Katanda achapurura dambarefu rake iri, rinova rechina uye rine musoro unoti “Siya Pehukama”, musi wa29 Gumiguru kuSteakhouse, muHarare.
Dambarefu iri rine nziyo nomwe, uye Didi Katanda akashanda nevaimbi vakasiyana-siyana vanosanganisira Mark Ngwazi, uyo akaimba naye pakambo “Siya Pehukama”; R and K Sounds pakambo “Ngatirangarire Magamba”; Obert Chari parumbo “Huyai Mambo” uye Tedious Matsito Jnr pakambo “Kufa Kwababa Vangu”.
Achitaura svondo rino, Katanda akati ari kunzwa manyukunyuku apo akatarisira kuparura dambarefu rake idzva iri.
“Ndiri kunzwa manyukunyuku nokuda kwokuti ndiri kuburitsa mutakunanzva wokuti vatsigiri vangu vatapirirwe nawo panguva yeKisimusi yatatarisana nayo.
“Padambarefu rangu iri, ndakashanda zvakanaka chaizvo nevamwe vaimbi, vanosanganisira Mark Ngwazi, R and K Sounds, Obert Chari uye Tedious Matsito Jnr,” anodaro.
Anoenderera achiti: “Iko zvino mutsikisi wemhanzi yangu ari kupedzisa kubika dambarefu iri.
“Nokune rimwe divi, ini nechikwata changu tiri kumhanya-mhanya kugadzirisa zviri kudiwa kuitira kuti musi watiri kuparura dambarefu iri zviri pamutemo ufambe zvakanaka,” anodaro.
Matanda anoti iye nechikwata chake pavachangopedza kuparura dambarefu rake iri, vane hurongwa hwekutenderera nyika yose vachiita mashoo mumapurovhinzi akasiyana-siyana.
Akati: “Tichingopedza kuparura dambarefu rangu iri, ndichafamba nechikwata changu, tichitenderera nyika yose tichiita mashoo munzvimbo dzakasiyana-siyana, kuitira kuti vatsigiri vangu vazive kuti chokwadi ndadzoka zvine mutsindo.
“Hakuna kwandichasiya; ndichafamba mapurovhinzi ose,” anodaro.
Didi Katanda anonyanya kuzivikanwa nekambo kake kakamboita mukurumbira kanonzi “Boorangoma”, ako kaive padambarefu rake rokutanga “Boorangoma Volume 1”, iro rakabuda mugore ra2002.
Akazobura dambarefu rake rechipiri rinonzi “Boorangoma Volume 2” mugore ra2004, ndokumbogara nguva refu akati zi-i, asina kutsikisa mhanzi.
Akazodzoka gore rakapera nedambarefu rake rechitatu rinonzi “Ndoita Musarinya”.