KWAYEDZA

Nyaya dzinokarosvika 14 000 dzemhirizhonga yepabonde dzakamhan’arwa

Muchaneta Chimuka

NYAYA dzinokarosvika 14 000 dzemhirizhonga yepabonde dzakamhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Police mugore ra2024 bedzi, uyu uchiva mucherechedzo wekuwanda kwezviitiko zvakadai, kunyanya pavanhu vari murudo kana wanano.

Zvichitevera kuwanda kwemhirizhonga dzevanhu vari murudo, Zimbabwe Gender Commission (ZGC) iri kuita chirongwa chemazuva 90 chekurwisa nyaya idzi, icho chinodaidzwa kunzi National Campaign Against Intimate Partner Violence, chinova chakatanga mwedzi uno waGumiguru uye chichazopera muna Zvita. Chirongwa ichi chichazosanganisirawo mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Chirongwa ichi chine donzvo rokuti pave nenhaurwa maringe nezvinokonzera mhirizhonga yorudzi urwu, kuumba dziviriro, kukurumidza kuona zviratidzo zvedambudziko iri nekutsvaka nzira dzokuti vanhu vagarisane murunyararo uye kumhan’ara nyaya idzi.

Vachitaura nevatori venhau munguva pfupi yadarika Dr Leslie Ncube vanova sachigaro weZGC vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzemhirizhonga munyika.

Vanoti mhirizhonga idzi dzinosanganisira kushungurudzwa panyama nenzira dzekurohwa, dzepabonde nekuurayana uye kunetswa mundangariro.

“Magwaro enyaya dzemhirizhonga dzakamhan’arwa anoratidza kuti nyaya dzakadai pavanhu vari murudo ndidzo dzakawanda uye vamwe vari kuponda vamwe, vachiguma vazviurayawo. Mugore ra2024, takagamuchira nyaya 13 838 dzemhirizhonga yepabonde uye tiri kurwadziwa zvikuru nekurasikirwa kwatiri kuitwa neupenyu hwevanhu,” vanodaro.

Vanoti izvi zvinovapa chitsvambe chokuti vange vachiita mukomberanwa mukusimbaradza zvirongwa zviri maringe nekudzivirira nyaya idzi kuti upenyu hunge huchichengetedzeka.

“Madzimai nevanasikana ndivo vari panyatwa huru yemhirizhonga asi kune varume nevanakonama vari kumbunyikidzwa zvakare. Varume vakawanda vari kushungurudzwa vanoramba vakahwanda nekutya kusekwa, zvichiunzwa nepfungwa iripo yokuti havafaniri kunge vachichema asi kuratidza ushingi kunyangwe zviome sei. Izvi zvinoita kuti dzimwe nyaya dzemhirizhonga dziregedze kumhan’arwa,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhurume nevanhukadzi kuti vange vachifumira nyaya idzi zvakaenzana kuitira kuti vawaniswe dziviriro uye chengetedzo kubva kumutemo.

Dr Ncube vanoti mhirizhonga dzakawanda dziri kuitika mudzimba zvisinei nokuti munzvimbo idzi ndimo munofanira kunge muchiwanikwa dzechengetedzo, rudo neruremekedzo.

“SeZGMC, tinorwira chengetedzo yevanhu, vana nemhuri, kuti vagone kugara murunyararo, izvo zvinobatsira kuumba ramangwana rakajeka. Kurwisana kwevanhu vari murudo hakufaniri kutorwa senyaya yemuchihwande asi kuti tinotarisa kodzero dzevanhu kurunyararo neupenyu, saka dziviriro yakakosha pane kuzorwisana nemhirizhonga inenge yatoitika, yatora upenyu hwevanhu,” vanodaro.

Zimbabwe Demographic and Health Survey (2023-2004) inoratidza kuti mhirizhonga dzevanhu vari murudo muZimbabwe dzakawanda. Ongororo iyi inoratidzawo kuti chikamu che27 percent chemadzimai ane makore 15-49 chiri kusangana nemhirizhonga yekurohwa, ukuwo chikamu che9 percent chichishungurudzwa nenzira yebonde.

“Pane nyaya dzakawanda dziri kuitika asi dzisiri kumhan’arwa pamusana pekutya kusekwa, kutukwa kana kuti vanhu vanenge vakonzera mhirizhonga yacho vanenge vari ivo vanounza chikafu nemari mumba. Nokudaro, vanenge vaparirwa mhosva vanenge vave kutya kuzosara vave panzara,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti kushomeka kwenzvimbo dzekunotsvaga rubatsiro mushure memhirizhonga uye kuparara kwedzimba kuri kusiya vanhu vakawanda vari parumananzombe.

Senzira yekurwisa mhirizhonga, mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, vakaparura chirongwa cheHigh-Level Political Compact (HLPC) on Ending Gender-Based Violence and Harmful Practices in Zimbabwe. Chirongwa ichi chinofambirana zvikuru necheZimbabwe National Strategy to Prevent and Address Gender-Based Violence.

Zvirongwa zviviri izvi zvinoumba hwaro hwekupedza nyaya dzemhirizhonga yepabonde, kuroodzwa kwepwere nekurwisana hwevanhu vari murudo mugore ra2030.

“Zvinangwa zvedu ndezvekuona kuti chikamu che20-30 percent chemhirizhonga dzevanhu vari murudo chaderedzwa uye kuti pavewo nebhajeti yenyika inoita kuti munhu wose ave neraramo yepakati nepakati kana kuti yakanaka, nyika yoderedza rubatsiro rwainowana kubva kuvatsigiri nechikamu che90 percent,” vanodaro.

Amai Virginia Muwanigwa, vanove chamangwiza weZGC, vanokurudzira vatungamiriri vevanhu kumamisha vakadai semadzishe, vemakereke nevechivanhu kuti vange vachishora mhirizhonga dzemhando dzose nekusimudzira nhaurwa dzakajeka pakati pedzimhuri nemumabasa.

“Chirongwa chemazuva makumi mapfumbamwe chekurwisa mhirizhonga ichi tiri kuchiita mumatunhu ose. Tiri kupinda muvanhu nenyanzvi dzinoona nezvekugarisana kwevanhu, vapangi vemazano, vanachiremba nevamwe tichida kunyanya kutarisa kuti chii chaizvo chiri kuita kuti mhirizhonga idzi dzivepo, toona kuti dzingadzivirirwe sei uye naani.

“Tinorwadziwa zvikuru nenyaya dzakawanda dziri kubuda mumapepanhau zuva nezuva, apo vanhu vari kupondana mudzimba, madzimai nevanasikana vachibatwa zvibharo kumasowe. Tinosvika kupi? Vana vofarira kupi? Nokudaro, tiri kuda kudzura mudzi wemhirizhonga dzose,” vanodaro.

Zvakadaro, munguva pfupi yadarika, mumwe murume aiva commissioner anoona nezvekodzero dzevanhu, ari zvakare murairidzi paMidlands State University, Dr Martin Muduva, akatemwa nedemo akafa neaiva mudzimai wake Lyliosa Charara, uyo aive murapi pachipatara. Pashure, Charara akazozviuraya. Dr Muduva vanonzi vainge varoora nyachide wavo Vongai Patience Mangwiro, uyo aishandawo payunivhesiti iyi saadministrator, izvo zvakarwadza vahosi, vanova vakazojajadura murume wavo nedemo mushure mokunge vashanyirwa naye manheru ezuva ravainge vabva kunoroora.

Mune imwe nyaya inodyidzana neiyi, vamwe mbuya vane makore 63 okuberekwa vekuMatshetsheni village, Gwanda, vakasungwa mushure mekuuraya murume wavo aive nemakore 70 nedemo apo vakange vanetsana mumba. Nyaya iyi yakaitika nomusi wa11 Nyamavhuvhu gore rino, uye vainge vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMatabeleland South, Assistant Inspector Stanford Mguni, vakatsinhira nyaya iyi. Zvakaitika ndezvokuti Harold Ngwenya akarova muzukurusikana wake Happiness Ndlovu mushure mokunge amupumha uroyi. Harold akatora demo ndokumutema pamusoro peziso. Mudzimai wake, Miriam Ndlovu, anonzi akabva apindira, ndokumutema kaviri mumusoro nedemo, izvo zvakaita kuti Ngwenya afe.

Miriam akabva asungwa.

Mune imwe nyaya yemhirizhonga yakaitika mwedzi uno, mumwe murume aiva director weimwe kambani yekuBulawayo inoona nezvekuchengetedzwa kwenzvimbo, VaGodknows Muleya (30), akapfura aimbova mudzimai wake Lesidi Nkomo (30) nepfuti pachikoro paakanga ari kuita zvidzidzo zvake, achibva atiza.

Akazowanikwa akafa mushure mekuzvipfurawo pane imwe lodge kuChiredzi.

Mapurisa achiri kuita ongororo maringe nefiro iyi.

Vaviri ava vaive nemwana mumwe chete wavakaita.