Hakuna dofo: Shumba

Daphne Machiri
MUKURU wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti hakuna mwana wechikoro anonzi idofo asi kuti vana vanoda moyo murefu uye kuzvipira kwevadzidzisi mubasa ravo. Muhurukuro neKwayedza, VaShumba vanoti zvakakosha kuti mwana wechikoro ave neruzivo rwunoenderana negwaro raanenge ari.

“Tiri kubatsira vana vechikoro kuburikidza nechirongwa chinonzi Perfomance Lag Address Programme, icho tiri kuita kubva kupuraimari kusvika kusekondari. Pasi pechirongwa ichi, tinoongorora vana vegwaro rega-rega manyorero nemaverengero avo kuti zviri kuenderana nemagwaro avanenge vari here,” vakadaro vaShumba.

“Chirongwa ichi chinorodza pfungwa dzevana vechikoro uye takatotanga kutarisa pavari kusarira nekurasika mukuverenga nekunyora.
“Tinovanyoresa mazamanishoni kupera kwevhiki rega-rega uye isu seManicaland, tiri kumberi kwemamwe matunhu mukufambira mberi nechirongwa ichi,” vakadaro.

Vanoti chirongwa ichi chakavambwa nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×