‘Hakuna mwana dofo’

AQUILINE Sagomba akabata chitupa nehamper yeColgate izvo akahwina kuHarare Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Nyasha Mutena
AQUILINE Sagomba akabata chitupa nehamper yeColgate izvo akahwina kuHarare Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Nyasha Mutena

MUMWE mudzidzisi anoti hapana mwana anonzi idofo muzvidzidzo asi kuti varairidzi vanofanira kuve nerudo nebasa ravo pamwe nemoyo murefu vachitora nguva mukuongorora zvigozhero zvemwana mumwe nemumwe pakuvadzidzisa.

Mai Aquiline Sagomba, avo vanodzidzisa Grade 7 paDavid Livingstone Junior School muHarare, vanoti vave nemakore angangosvika 14 vachiita basa rehudzidzisi uye gore rapera pavana 28 vavakadzidzisa vakanyora bvunzo dzeGrade 7, vose vakapasa nemayunitsi anobvira pa4 kusvika 8.

Izvi zvakaita kuti vapihwe mubairo wekuve Best Teacher kumabiko eHarare Provincial Merit Awards, ayo achangobva kuitwa. Vanoti gore negore vanobura vana vakawanda vanenge vakapasa zvinonwisa mvura uye muna2011, pavana vavakadzidzisa, 15 vavo vakaita mayunitsi 4 pabvunzo dzeGrade 7 zvakare.

“Ini ndakaona kuti hakuna mwana anonzi dofo, maticha ngaatore nguva yavo apo vanenge vachipakurira vana dzidzo voongorora panogonekwa nepanenge pachitadzwa nemwana mumwe nemumwe,” vakadaro.

Murairidzi uyu anoti vana vechikoro vanofanira kupihwa zvidzidzo zvekunoitira kudzimba (home-work) nguva dzose kuitira kuti vagare vachirodza njere dzavo.

“Dzimwe nguva unosangana nemwana wechikoro ane misikanzwa zvekuti dhu-u, asi mushonga haisi shamhu. Vana vanoda kutaurwa navo zvakanaka zvekuti unotozoona kuti vanenge vava kukuremekedza. Hakuna mwana dofo asi vanongoda rubatsiro bedzi,” vakadaro Mai Sagomba.

Mudzimai uyu akatunzvaidzwa kumabiko aya nekugona kwake basa ndokupihwa mibairo inosanganisira $300 pamwe nechitupa.

Chikoro cheDavid Livingstone chakabura vana 31 vaiva nemayunitsi 4 pabvunzo dzeGrade 7 dzegore rapera apo 29 vavo vaidzidziswa naMai Sagomba.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×