Usade kundichipisa: Mupurisa

MUPURISA wekuendeswa kudare nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akati mudzimai uyu ane hudyire uye aida kushandisa dare kuti awane madyiro emari yake.
Plaxedes Mariro akamhan’arira Frank Muchengwa kuHarare Civil Court achida mari yekuendesa mwana wake kuchikoro.

“Murume uyu aimbobhadhara mari yechikoro asi chazondiunza kuno ndechekuti haachadi kubhadhara.
“Ndaona zviri nane kuti dare ripindire, zvisanyanye kunetsa angobatirwa mari ichibhadharwa kuchikoro.

“Handina mari yakawanda yandinoda, ndinongoda yekuti mwana akwanise kuenda kuchikoro chete nekuti yekutenga chikafu nezvimwe ndinokwanisa kuiwana sezvo ndichiendawo kubasa.

“Ndiri kuda $150 nekuti kuchikoro kwaanopinda kunoti dhurei uye baba vake vanoikwanisa nekuti mupurisa ane chinzvimbo chepamusoro. Kare kose aibhadhara mari yechikoro asi akazongonditumira meseji pafoni achiti, ‘handichadi kubhadhara mari yemwana yechikoro kana uchida kuti ndibhadhare wotondiendesa kudare remendenenzi’. Saka kuno handina kungouya ndega, ndiye akandituma,” akadaro Mariro.

Muchengwa akati haakwanise kubhadhra mari iyi asi airiritira mwana wake uye kuti Mariro anoda kungomunyadzisa nekumumisa mudare.

“Ini ndiri baba vanoziva kuti mwana anoda kuchengetwa. Mwana wangu ndaimuendesa kuchikoro nekumuriritira makore matatu ese apfuura.

Mari yaari kutaura kuti ndimupe yakawandisa, ndinokwanisa $40 nekuti ndine mumwe mukadzi nevana vatatu, mumwe wacho mukuru ava kuenda kuyunivhesiti. Iye anyatsotaura kuti mwana ndaimubhadharira mari yechikoro uye hapana paamboti ndakatadza kubhadhara saka ndiri kushaya kuti kuno andiunzirei.

“Apa ava kushandisa dare zvisizvo nekuda kudya mari yangu. Chinangwa chake vakuru ndechekuda kundinyadzisa.

“Pavana vangu vese, mwana wake ndiye wandinotanga ndabhadharira mari ndichitosara nezvikwereti kune zvikoro zvevamwe vana,” akadaro Muchengwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare apo ichaenderera mberi nekutongwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×