Hakuna shumba muHarare: Parks

Muchaneta Chimuka —
BAZI reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) riri kuzivisa veruzhinji muHarare — kunyanya vagari vemumisha yakadziva kumadokero kweguta — kuti vasatyiswe nemashoko ari kutenderera ayo anoti kune shumba dzakapoya kwadzinochengetwa idzo dziri kufamba mumisha iyi.

Kubva svondo rapera, pane mashoko ari kutenderera achiti kune shumba dziri kufamba mumisha inoti Mufakose, Kuwadzana, Kambuzuma, Highfield neMbare.

Anotaura akamirira ZimParks, VaEvans Katiyo, vanoti mashoko aya manyepo uye vashandi vavo vakaita ongororo muHarare zvichitevera mashoko ekuti kune shumba dzakapoya asi hapana umboo hwavakawana hunotsinhira izvi.

“Tatambira nhare dzakawanda kwazvo dzichibva kuvagari vemuHarare vachiti vave kutyira upenyu hwavo. Saka tinoda kuzivisa veruzhinji kuti hakuna shumba dzakapoya dziri kushungurudza vanhu.

“Mumazuva adarika, takatumira zvikwata zvedu zvinoona nezvemhuka munzvimbo idzi asi vakangoona matsimba embwa nekatsi dzerudzi rwema’civet cats’ anova ndiwo ari kufungirwa neveruzhinji kuti ishumba,” vanodaro VaKatiyo.

Vanozivisa veruzhinji kuti shumba dzose dzinochengetedzwa kuLion and Cheetah Park dziriko uye hapana dzakapoya.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vawirwa nedambudziko remhuka dzinokuvadza vazivise veZimParks panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 772 678 351,” vanodaro.

Mashoko ari kufamba, kunyanya paWhatsApp, anoti shumba idzi inhatu izvo zvaita kuti vamwe vanhu vatye kufamba, zvikuru manheru uye munzvimbo dzine chibage nemasango.

Vamwe vevagari vekuMufakose vakaudza Kwayedza kuti vave kugara vachitya shumba idzi, zvikuru mushure mekunge vanzwa kudzvova nekuona matsimba mumisha yavo mambakwedza emusi weChina svondo rapera.

Vakataurwa navo vanosanganisira vane dzimba dzimba dzakatevedza migwagwa inoti Mukumbadzetse naMupani.

“Ndanzwa kudzvova kweshumba uye pandamuka kuma3 husiku ndatoiona yave kukwidza yakananga kukamba yemapurisa. Ndange ndichida kuona kuti chii, ndipo pandazomutsa muzukuru wangu tichibva taita muonera pamwe,” Evans Mataranyika (36) akaudza Kwayedza Chishanu chadarika.

Muzukuru wake – Darikington Chamunorwa (21) – anoti paakamutswa, akangoonera kure-kure sezvo aitya.

VaBlessing Laison (37) vanotiwo vakanzwa kudzvova kweshumba husiku vachibva vamutsa mudzimai wavo.

“Pandanzwa kudzvova, ndatomutsa vadzimai ndikavabvunza kuti asi pane munhu asvikirwa muraini muno? Handina kuziva kuti ishumba kusvika patazomuka tichiona matsimba pachivanze,” vanodaro.

Mai Cecilia Masawi (60) vepanhamba 76 Mupani Street, vanotiwo: “Ndange ndirere nemwanasikana wangu Ratidzo Masawi (35) pandanzwa kudzvova kunenge kweshumba asi ndangofunga kuti shumba ingapinda muraini muno ichibvepi ndikatofunga kuti zvichida igonyeti riri kumutswa kana. Ndipo patazonzwa vanhu vachiti husiku kwakafamba shumba. Hii-i, tatya zvikuru.”

Martin Zhou (17) anotiwo shumba yakadarika nepamba pavo ikahukurwa nembwa dzavo.

VaMoses Chikodzi vanoti shumba yakadzvova katatu asi havana kubuda panze nekutya.

Mai Saneliswe Machinga vepanhamba 190 Madzimbadzete Street, vanotiwo vakashamisika kuona pachivanze pavo paine matsimba anonzi ndeeshumba.

Muvakidzani wavo, Mai Sandra Mlilo, vanoti vakatokorobha matsimba eshumba ayo ainge aine madhaka pavhuranda remba yavo.

Mumwe wemadzimai aive afumira kunohodha kuMbare Msika, Mai Chipo Chaguta, vanoti vakanzwa kudzvova kweshumba iyi asi havana kuita hanya nazvo sezvo vakange vasina fungidziro yekusangana nemhuka yerudzi urwu munharaunda.

Pane mashoko asina kutsinhirwa anoti matsimba eshumba akaonekwa zvakare kuStodart Hall, kuMbare pamwe nekuKuwadzana 1.

Gore rapera mumusha weGlen View 3, muHarare, kwakaonekwa horomba yegudo iyo yakapaza mahwindo nematenga edzimba uye yakazotorwa neveZimParks.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×