Hama dzondiramba: Amai vedumbu

MUDZIMAI uye wekuNorton, uyo ange ava nemakore matatu dumbu rake rakazvimba sezvinonzi ane pamuviri ndokuzovhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital, ari kutenda Kwayedza nechipatara ichi izvo zvaanoti zvakaita kuti dambudziko rake ripere zvisinei nekuti hama dzake dzava kumuramba.
Madzimai Josephine “Mensista” Chavhunduka (37)  vekuMarshlands, vakavhiiwa nemusi weChishanu svondo rapera pamberi ndokuburitswa chinhu chairema ma43,1 kgs icho chinozivikanwa muchiRungu nekuti “ovarian mass”.

MADZIMAI Josephine Chavhunduka vasati vavhiiwa dumbu ravo
MADZIMAI Josephine Chavhunduka vasati vavhiiwa dumbu ravo

“Mukuru wechipatara chino ndivo amai nababa vangu, zvose nehama dzangu ipapo. Baba naamai vangu vakafa kare ndokusara nemukoma wangu mumwe chete. Mwana waamai vangu chaiye ndakamufonera kuti ndiri muchipatara, huya undione akanditi ‘asingarware ndiyani?’ Vekwababa nevekwaamai vangu hakuna kana mumwe chete ari kuuya kuzondiona,” vakadaro vachida kuchema vari muchipatara ichi.

“Iye zvino mave kunzi Dr (Kingstone) Mapupu nekuti mandiponesa, ivo Dr (Obadiah) Moyo (mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital) handizive kuti ndingavatende sei.

“Ndinotarisira kubuda muchipatara muno zvakanaka ndonotanga upenyu hutsva, ndava mutano. Matsamba angu echikoro ndinawo, dumbu iri ndiro ranga rava kundikanganisa.”

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0715 266 990 kana 0773 034 954.

Mutauriri wechipatara cheChitungwiza, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti havazive kuti mudzimai uyu achaburitswa rinhi muchipatara sezvo ari kumborapwa.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×