Vakuru vedzidzo vatsva muHarare neManicaland

MATUNHU anoti reHarare Metropolitan Province nereManicaland Province ava nevakuru vedzidzo vatsva.
VaChristopher Chamunorwa Kateera, avo vange vari scientific reseacher kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, ndivo vava pachigaro chemukuru wedzidzo muHarare. Chigaro ichi change chakafanobatwa naVaEdward Shumba, avo vava Provincial Education Director wekuManicaland.
VaKateera vanoti vachasimudzira fundo muHarare kubva pakasiirwa naVaShumba.

“Ndicharamba ndichishanda nesimba nekuti dzidzo inofanirwa kusimudzirwa, kunyanya zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekuveza nekurima, kuitira kuti vana pavanopedza chikoro vanokwanisa kuzviitira mabasa emawoko,” vakadaro VaKateera.

“Ndinovimbisa zvakare kusimudzirwa kwedzidzo yemitambo, tsika nemagariro kuvana vechikoro.”
Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, VaShumba vakati vakave nenguva yakanaka apo vaishandira muHarare.

“Sepurovhinzi yeHarare takakwanisa kusimudzira fundo kubudikidza nekuvakwa kwezvikoro zvitsva. Zvakare takavandudza maProvincial Merit Awards, izvo zvinoratidza kusimukira kwevana kana tichitarisa kupasa kwavo paGrade 7, O- neA-Level,” vakadaro.

“Pamusoro pezvo, gore rino purovhinzi yeHarare ndiyo yakakunda kumakwikwi emaNational Youth Games,” vakadaro VaShumba.

Vanoti vakashandawo nesimba mukuona kuti vana vawaniswa fundo inovapa pundutso muupenyu, izvo zvakaita kuti vavharise zvimwe zvikoro nemakoreji zvakange zviri kushanda zvisiri pamutemo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×