‘Hamungaimbi song yangu!’ . . . Stunner otsoropodza BaShupi

Zimpapers Arts and Entertainment Hub

MUIMBI ane mukurumbira mumisambo inoti hip-hop uye urban grooves, Desmond Tambawoga Chideme, uyo anonyanya kuzivikanwa saStunner, anoti ari kushungurudzika nekuimbwa kwakaitwa kambo kake “Godo” padopiro richangobva kuitwa re24th National Arts Merit Awards (NAMA) naBaShupi, pasina mvumo yake.

Dopiro reNAMA rakaitirwa kuHarare International Conference Centre neMugovera wadarika pamberi.
Achinyora padandemutande reFacebook, Stunner akashoropodzawo varongi vechiitiko ichi nekubvumidza kuimbwa kwekambo kake, ako akaburitsa makore 14 adarika, pasina kutaurwa kuti kakabva nekupi uye kakaimbwa naani.

“Asi Nama painofonera munhu asiri muridzi wekambo, chiiko chinenge chichimboitika? Hamungaimbi ‘song’ yangu ndichiri mupenyu padopiro rakakura kudai, pachiitiko chikuru chakadaro, mobva maita zvakadaro musingazivi kwakabva nekambo aka,” anonyora achidaro Stunner.
Stunner anoti anoshungurudzikawo kuti BaShupi havana kubuda pachena vachitaura kuti ndiye akaimba kambo aka paaikatevedzera kuNAMA.

“Muchinda (BaShupi) wakatadza kana kudaidzira kuti Stunner pawaiimba kambo kausina kana kunyora? Sununguka kukashandisa kana uchinzwa sokudaro zvakare mune ramangwana, asi remekedzawo vamwe,” anodaro Stunner.
Stunner, uyo anozvishambadza achiti “#TheLastRealG” uye “#RapperWekupedzisira”, anoti kuimba padopiro renyika rakafanana neNAMA zvakasiyana nekuimba muimba yekunwira kana pashoo yevoruzhinji, achisimbisisa kuti zviitiko zvakadai zvinoda kupihwa mvumo pamwe chete nekuremekedzana.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *