‘Handi girlfriend, atori mudzimai’

Courtney Munodawafa
MUDZIMAI wekuDomboshava anoti murume wake anounza shamwarikadzi yake pamusha pavo uye anomurova pamwe nekumutuka.
Anastacia Kazikambani akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akazvuvira Steven Kazikambani achida gwaro redziviriro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Anastacia gwaro rinomudzivirira.
Anastacia anoti ane muchato nemurume wake uyo usingatendere kuti ave nemumwe mudzimai.
“Uyu murume wangu wemakore uye togara tose kuDomboshava asi murume uyu azondipfidzisa. Anondirova nekunditukirira.
“Anounza girlfriend yake kumba achindirambidza kusununguka pamba pangu,” anodaro Anastacia.
Anoenderera mberi achiti, “Takazoita muchato muna 2006 asi havakudze muchato wedu sezvo vachiunza girlfriend yavo pamba pedu. Vanomboti haisi girlfriend asi kuti mukadzi wavo wechipiri asi mutemo hauzvibvumire. Iye mukadzi wacho akambenge aenda kuSouth takatanga kugara zvedu mune zvakanaka. Kungodzoka kwaakaita, zvave kutonetsa. Vanoda kuti ndione girlfriend yavo saamainini asi ini handisi kuzvifarira.”
Steven anoti mukadzi ari kunzi ishamwarikadzi yake uyu mudzimai wake wechipiri.
“Zvimwe zvavataura ndobvumirana nazvo asi pakuti shamwarikadzi vanyepa. Ini ndine dzimba mbiri nevakadzi vaviri vandakanobvisira pfuma. Ivo ndivo vari kuramba kuti mumwe uyu mukadzinyina wavo. Mukadzi wangu wechipiri anongouya kuDomboshava kana ivo vasiko pamwe pese apa anenge achigara kuMabvuku,” anodaro Steven.
Anoti anozviziva kuti mhando yemuchato wake naAnastacia hautendere kuti aite madzimai maviri.
“Hongu, ndozviziva kuti muchato wedu haubvumidze mumwe mukadzi muwanano yedu, ndogona kusungwa asi mukadzi wacho atovepo. Ndichangoti asapote achiuya kumba kuDomboshava kwacho,” anodaro Steven.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *