MaGems ogadzirira remangwana

Abel Ndooka

VAMWE vatambi venetball vemuchikwata chenyika chemaGems vari kugadzirira ramangwana ravo kuburikidza nekuenda kuchikoro uko vari kuita zvidzidzo zvakasiyana-siyana.

Vatambi ava vanosanganisira kaputeni wechikwata ichi Felistus Kwangwa uyo ari kuita zvidzidzo zveEconomic History paUniversity of Zimbabwe, kozoti Claris Kwaramba ari kuitawo zvidzidzo zvemutemo payunivhesiti imwechete iyi zvakare.

Achitaura neKwayedza svondo rino muHarare pamhemberero dzekudzoka kwemaGems kubva kuSouth Africa uko vainge vaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Netball Championships, Kwangwa anoti semaGems vari kukurudzirana kuti vaende kuchikoro vanodzidza kuitira ramangwana ravo.

Kwangwa anoti dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu uye anokoshesa fundo yake zvekuti paanenge asingatambe netball anenge achiverenga mabhuku.

“Chokwadi dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu, unofanirwa kudzidza. SemaGems tinokurudzirana kuti ngatidzidzei uye tigadzirire remangwana redu,” anodaro.

Kwangwa anoti dhigirii rake raari kuita reEconomic History anogona kuzoshanda mabasa anosanganisira kuve muzvinhanhorowondo (Historian), muongorori wemamiriro ezvenyaya dzehupfumi (Economic analyst) kana kuita zvetsvakurudzo (researcher).

Anoti ari kutarisira remangwana rake rakanaka nekudaro ari kushanda nesimba kuti agobudirira mufundo yake.

“Dhigirii randiri kudzidza ndinogona kuita mabasa akasiyana saka ndiri kuvavarira kuti ndipedze uye kana ndave naro ndotanga kushanda.

“Asi hazvireve kuti ndichabva ndasiya kutamba netball nekuti mwoyo wangu uri pamutambo uyu uye ndichashanda nesimba kuti ndizviite zviri zvese,” anodaro Kwangwa.

Zvakadaro, chikwata chemaGems chakapedza chiri pechina kumakwishu eAfrica Netball Championship chiri kumashure kweSouth Africa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *