MUBATI wepagedhi weManchester City – Claudio Bravo (33) – anoti haasi kufunga zvekubva kuchikwata ichi kunyangwe hazvo asiri kutamba zvinochigutsa.
Bravo, uyo akatambira nyika yake yeChile apo yakasangana neVenezuela svondo rino, ange ari kutatarika kubvira paakatengwa nemari inosvika £13.75 miriyoni paunzi kubva kuBarcelona.
City – iyo ichatengesa Joe Hart – iri kutsvaga mumwe mubati wepagedhi uye iri kutarisa mubati weBenfica Ederson pamwe nevamwe.
Asi achitaura ari kunyika kwake kuChile nevatori venhau, Bravo akati, “Ndezvekunyepa zvose, kuti ndiri kutsvaga chimwe chikwata chekutambira, nekuti hanzi ndiri kuda kubva. Inyaya dzekunyeba dzose. Ndinofara chaizvo kuEngland uye mhuri yangu inofarawo zvakare.”
Akaenderera mberi akati, “Nyaya yekuti ndanga ndisiri kutamba yakabuda izvo zvakazoita kuti nyaya dzekunyepa dzakasiyana dzitange kubuda. Zvinhu zvakaita seizvi zvinongobuda uye zvisina umboo. Zvakafanana nekuti zvinonzi ndine munhu anondiongorora pfungwa uye ndine murairidzi ari kundidzidzisa chiRungu.”
Zvakadaro, City iri kuongorora mutambi weSouthampton, Cedric Soares, uyo ari kudiwa zvakare neBarcelona. – Daily Mail Football.




