‘Handidanane nemurume wako ini’

Tatenda Shuro
MUKADZI wekuHighfield, muHarare, ari kuchema-chema mudare achiti anzwa nekurohwa nemumwe mudzimai anomupomera kuti ari kudanana nemurume wake uyo waanoshanda naye.

Julia Mukuva akamhan’arira Melody Ngirazi kuHarare Civil Court achikumbira runyararo.

“Mukadzi uyu anopota achiuya kubasa kwangu achindituka nekundirova.

‘‘Handina hukama naye asi kuti ndinongomuzivawo paakanditi ndiye mukadzi wemurume wandaifambidzana naye uye tinosevenza tose kwaMachipisa,” Mukuva anoudza mutongi wedare Noah Gwatidzo.

Anoti akambomhan’arira Ngirazi kumapurisa nekuda kwekumushungurudza vakaedza kuvayananisa asi hapana chakabatsira.

“Handidi kuti vauye pabasa pangu vachiita ruzha uye ndakatombovamhan’arira kumapurisa ekwaMachipisa uko vakaedza kutiyananisa vakamuudza kuti ainge asingafanire kusvika pabasa pangu achiita ruzha asi haana kuzvirega,” anodaro.

Achipawo divi rake, Ngirazi anopokana nechikumbiro chaMukuva.

“Ndinopokana nechikumbiro chake nokuti ndiye anenge achitondituka pamwe neshamwari dzake. Ndakangonomubvunza kamwe ndiine murume wangu anyepera murume wangu achiti mukadzi wako andisendera meseji, ndikangoti kune murume wangu handei tinonzwisisa ndokubva atokumbira ruregerero,” anodaro Ngirazi.

Anoenderera mberi achiti, “Kumurova handirambe mambo wangu, mavhiki matatu apfuura akandisendera imwe meseji achiti ndiende iye asare achigara nemurume wangu izvo zvakandibata ndikatadza kuzvidzora ndikazomurova.”

Mutongi Gwatidzo akapa Mukuva gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *