‘Handidi coranavirus ini . . .’

Munyori weKwayedza
NYAYA yemwana chipwere — uyo anotaura kukosha kwekugeza maoko ake kuti asabatwe necoronavirus — yatenderera pamadandemutande uye inopa dzidziso kune veruzhinji.

Mwana uyu ari kubuda asina kupfeka hembe kumusoro uye maoko ake aine sipo iyo ari kunyatsozora achiageza. Vhidhiyo remwana uyu rinotanga nezwi remunhukadzi anomubvunza kuti ari kumboitei.

“Uri kugezerei maoko . . .?” izwi remunhukadzi rinobvunza.

Kamwana kanobva kapindura: “Coronavirus inozondibata. Handidi coronavirus pano apa.”

Munhukadzi anobvunzazve: “Saka kwanzi muite sei?”

“Tigeze maoko nesipo . . .,” mwana uyu anopindura.

Vhidhiyo iri riri kutenderera pamadandemutande sepaWhatsApp, paTwitter nepaFacebook uye rinodzidzisa kukosha kwekuti veruzhinji vageze maoko avo nesipo senzira yekudzivirira kubatwa necoronavirus. Coronavirus hutachiona hunokonzeresa chirwere cheCovid-19 icho chabata vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nekuuraya vamwe vakawandisa pasi rose.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti vanhu 28 vange vavhenekwa vakawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe. Pavanhu ava, vatatu vavo — vose vanhurume — vakatoshaya.

Veruzhinji vanokurudzirwa kugeza maoko avo achichena nesipo nemvura inomhanya uye kugarisana vari kure nekure senzira yekudzivirira kubatwa neCovid-19.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×