Upenyu mberi, mitambo mumashure: PSL

Abel Ndooka
SANGANO rePremier Soccer League rinoti harizive kuti nhabvu ichatambwa here mwaka uno wa2020 sezvo iye zvino isiri nguva yekufunga zvemutambo, asi kuchengetedza utano neupenyu hwevanhu.

Kare mwaka wenhabvu unozivikanwa uchitanga kupera kwaKurume kana kutanga kwaKubvumbi.

Asi mitambo yegore rino yakambomiswa senzira yekutevedzera gwara rakatarwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti vanhu vose vasaungane uye vagare kudzimba senzira yekudzivirira kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Zvichitevera kuwedzerwa kwakaita mazuva e“lockdown” nemutungamiri wenyika svondo rino, mutauriri wePSL, Kudzai Bare anoti ino haisi nguva yekumbofunga zvekuti nhabvu inotanga riinhi sezvo vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye vamwe vachifa nacho.

“Isu tiri kutevedzera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa rinoti vanhu vasaungane uye vagare kudzimba dzavo senzira yekuderedza kupararira kwechirwere checoronavirus.

“Vanhu vari kufa nechirwere ichi saka zvakakosha kuti veruzhinji vagare vakachengetedzeka nguva dzose kuitira kuti Covid-19 isapararire. Isu sePSL, hatikwanise kutaura nezvekutanga kwenhabvu iye zvino nemamiriro akaita nyika nekuda kwecoronavirus, chikuru kuti vanhu vachengetedzeke nguva dzose,” anodaro.

Anoenderera achiti kana chirwere ichi chapera, ndipo pavachazoronga kuti nhabvu inotanga here uye vanenge vachitarisa nepanenge pava nenguva.

“Kana lockdown yapera uye pava nehumboo hwekuti chirwere checoronavirus hakuchisina, ndipo tinotanga kuronga kuti mitambo ichitanga, asiwo tichatarisa kuti gore rinenge rafamba zvakadii.

“Iye zvino tinongokurudzira vanhu kuti ngavange vakachengetedzeka nguva dzose vari mumba, vasafunge zvenhabvu. Upenyu ndihwo hwakakosha nguva dzose,” anodaro.

Zviri kuitwa nePSL izvi ndizvo zviri kumamwe masangano enhabvu pasi rose uko mitambo yakamira kutambwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×