‘Handidi kudyiwa natezvara’

Orpah Mukotekwa
MUMWE murume akachema-chema mudare achiti haadi kuti mari yaari kubhadharira kuchengeta vana vake idyiwe naambuya natezvara vake.

Nashi Zivanayi akaendesa aimbove mudzimai wake, Julia Nyarande, kuHarare Civil Court achida kuti mari yaari kubhadhara idzikiswe.

“Changamire vangu, kutaura chokwadi zvinhu hazvina kundimirira mushe. Mari yakatarwa nedare, $120, handichaikwanise. Amai vangu vakashaika vaigara pamusha pangu saka ndakatsvaga mushandi anochengeta pamba wandinotambirisa $30 pamwedzi uye ndine mukadzi nevana vaviri.

“Vana vangu vanoda mari yekuchikoro, ini ndinoda yekubhadhara pamba pandinogara. Iye mukadzi uyu ndiye akatondiudza kuti ndiuye kuno kuzoderedzesa mendenenzi,” akadaro Zivanayi.

Akati Nyarande anoda kuti abhadhare $400 yemwana wekukireshi asi iye asina mari yacho.

“Handina kwandinowana mari yakawandisa kudaro nekuti basa rangu mari ishoma. Ndakamuudza mukadzi uyu kuti abve pamba paari kugara pane vabereki vake nekuti ini ndinoda kuchengeta vana vangu chete. Handingabadhare mari yemendenenzi yekuchengeta anaambuya natezvara, bodo.

“Ane hanzvadzi dzake dzine mari saka ivo ngavachengete vabereki. Ndaikumbirisa kuti dare rindibvumidze kuderedza mari yemendenenzi kusvika pa$80,” akadaro.

Nyarande akaramba zvakataurwa naZivanayi achiti haana kumbochengeta vana kubvira vachiri vadiki.

“Baba ava havana chavari kuita pakuchengeta vana. Ini ndini ndinotengera vana chikafu, kuvaendesa kuchikoro, kubhadhara rendi. Mari yavari kuti yakawandisa ndeipi ivo vasiri kutombobhadhara kana kobiri? Ndini ndiri kutambudzika ndega kuriritira vana iye achifara nemukadzi wake waakazoroora.

“Ndatoshamisika kunzwa baba ava vachiti ndakavafonera kuti vanoderedzesa mendenenzi, ndaigodaro sei iko ka$120 kacho kasiri kutombokwana?” akadaro Nyarande.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava idzokezve mudare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×