Handiende: Chiyangwa. . . ‘Ini ndini ndine yese’

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRI wesangano rinoona nezvenhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) – Phillip Chiyangwa – anoti kunyangwe zviite sei ndiye ari kutonga uye haasi kuzobva pachigaro chinopisa ichi.

Captain Fiasco kana kuti Phidza, semazita emadunhurirwa aChiyangwa, ndiye ega achamira pasarudzo dzichaitwa dzekusarudza mutungamiri mutsva weZifa musi waZvita 1 sezvo vamwe vaida kukwikwidza kupinda pachigaro ichi vakakundikana nekuda kwekuti vaive vasina magwaro akakwana anotarisirwa kuti vange vachikwikwidza.

“Kunyangwe ndikarwara zvekundisunda mubhara chaimo, ndini ndiri kutonga uye ndicharamba ndichitonga.

“Vanoda kundirwisa, asi hapana zvavanoita kana kwavanosvika. Isu ndisu tine yese, musi wa1 kungonzi panyanga ka, tatopinda panyanga,” anodaro Chiyangwa.

Anoenderera mberi achiti kunyangwe vanhu vakataura zvakawanda-wanda, hapana zvazvinoshandura nekuti mutungamiri wesangano rinoona nezvenhabvau pasi rose reFederation International de Football Association (Fifa) – Gianni Infantino – anoteerera zvinenge zvataurwa naiye (Chiyangwa) chete kana dziri nyaya dzine chekuita nezvenhabvu yemuno.

“Vanhu kunyangwe vakataura zvavanotaura, hapana zvazvinoshandura, Gianni Infantino anongoteerera zvandinenge ndataura ini chete kwete vamwe vese.

“Munenge muchipedza nguva yenyu kana muchinyora matsamba enyu muchitaura kudii kudii, zvavamunenge muchiita. Ini ndini waanoterera chete nekuti ndini ndiri panyanga,” anodaro.

Chiyangwa anoti kuti nhabvu yemuno inyatsosimba, Hurumende inofanirwa kupindira yotsigira mutambo uyu nemari sezvinoitwa kune dzimwe nyika kuti basa ravo rinyatsofamba zvakanaka uye nekuita zvirongwa zvakasiyana.

Anoti kusapindira kweHurumende kunovadzosera kumashure zvikuru izvo zvinozovaona dzimwe dzenguva vachisvika pakuburitsa mari dzavo dzemuhomwe kuti vakwanise kufambisa basa reZifa rinosanganisira kubhadhara vatambi kana kuvatumira kunze kwenyika kumitambo yakasiyana.

“Zvatinoona kune dzimwe nyika, Hurumende inofanirwa kupindira yodira mari mumutambo uyu kuti zvitibatsire kufambisa basa redu. Dzimwe dzenguva tinosvika pakuburitsa mari dzedu dzemuhomwe kuti tiwane kubatanidza zviendeke titumire vakomana kumitambo yavo izvo zvinove zvisingafanirwe kuitika.

“Tikawana rutsigiro rwemari kubva kuHurumende, zvinhu zvedu zvoshanduka zvotifambira zvakanaka,” anodaro Chiyangwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *