‘Handiende!’…Saimba orambira ku‘small-house’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI anove shirikadzi wekuWarren Park, muHarare, anoti ari kudemba kudanana kwaakaita nemumwe murume uyo waari kupomera kuparadza upfumi hwaakashandira nemurume wake achiri mupenyu.

Sarah Chidumai akamhan’arira chikomba chake — icho chakangozivikanwa kuburikidza nekambani yacho inonzi S.L.P Office — kudare reHarare Civil Court.

“Changamire, murume uyu haagone kugara neni zvakanaka mumba mangu uye haadi kutsiurwa. Ndinomuudzawo kuti abate midziyo yangu zvakanaka sezvo ndakaitenga nemurume wangu asati ashaya. Akambotora motokari yangu achienda kurufu rwehama yake akaita tsaona nayo asi haana kuda kundiudza, akaiendesa kubasa kwake uko akangonoikanda.

“Ndaiti ndikamubvunza aindituka zvakanyanya achiti haadi kutongwa nemukadzi kusvika ndazoona motokari yangu yakaparara iri kubasa kwake,” mukadzi uyu anoudza mutori wedare iri, Tafadzwa Miti.

Chidumai anoti chikomba chake ichi chakabonderesa zvakare rori racho rekubasa pachidziro chemba yake.

“Mumwezve musi akauya nerori rekubasa kwake kumba ndokurovera pakona yemba yangu zvekuti yakabva rategeduka zvinova zvinondibaya mwoyo. Chinondirwadza ndechekuti haatsiurike, ndikada kutaura naye anotanga kundituka nekundirova.

“Chikumbiro changu kudare ndechekuti adzokere kumba kwake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Haasati akambondiendesawo kumba kwake kana kundiratidzawo kuhama dzake, anongoti kumba kwangu kune nyaya hombe, imba yangu inonetsa. Ndinokumbira anogadzirisa nyaya dzemba yake nenhaka yevana vake.

“Akandityisidzira achiti ukangoman’ara ndinokuuraya saka ndava kutya zvikuru.”

Achipawo divi rake, murume uyu anoti zvimwe zviri kutaurwa naChidumai manyepo.

“Zvimwe zvaataura ndezvekunyepa, haatendi.

‘‘Ndinomubatsira mabasa emumba, kumubikira iye akarara nekugadzirira vana vake maranjibhokisi asi nhasi ondidaro? Asi sezvo ari kuda kuti ndibude, ndichabuda.”

Mutongi Miti akapa Chidumai gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *