‘Handiende, wajaira kuramba vakadzi’

MUDZIMAI wekunzi ari kuramba kurambwa mushure mekupihwa gupuro kaviri kose akaudza dare kuti murume uyu haagarikike naye sezvo iye ave mukadzi wake wechitanhatu mushure mekunge vamwe vashanu varambwa.
Albetina Chitava akamhan’arira murume wake, Felix Kuwakwejayi, kuHarare Civil Court achiti murume uyu ari kumushungurudza.

“Murume uyu ari kundidzinga pamba pangu pandakavaka naye achida kuunza mumwe mukadzi. Handizivi kuti anoda kuti ndiendepi kunge anondipa mari yerendi.

“Dzimwe nguva anonditukirira nekundirwisa achida kuti ndibve asi ini handina mabviro nekuti kwekuenda kwacho handinawo,” akadaro Chitava.

Kuwakwejayi akaudza dare kuti akanga asisina chekuita nemudzimai uyu sezvo akamupa gupuro kaviri kose nenyaya yekuti akadzinga vana vake pamba apa uye ane tsika yekuda kuzviuraya pese pavanonetsana.

“Ndiri kutokatyamara kuti sei ari kuramba achiti mudzimai wangu ini ndakamupa gupuro. Gupuro rekutanga ndakamupa kwavatete vake akaita nharo ndokusiya zvakadaro kusvikira ndanomupa pamberi pababa vake.

“Veduweka, pamba apa ndakavaka naye hongu mushure mekupihwa nzvimbo iyi asi paakatadza kugarisana nevana vangu ndipo pakanetsa nekuti handingarojere vana ini ndiine musha. Chimwezve ndechekuti ane mweya wekuda kuzviuraya saka ini handidi ngozi pamba pangu. Midziyo yese ndiye akatora saka chaachiri kuda chii?” akadaro Kuwakwejayi.

“Chitava akabva amugamha achiti: “Haana kundipa gupuro, kwavatete vakanotienzanisa kwete zvekunyepa zvaari kutaura. Hongu midziyo ndakatora nekuti ndeyangu yandaishandisa kwandakanga ndakamboroorwa. Itsika yake yekuramba vakadzi achisara nemidziyo zvekutoti ini ndiri wechitanhatu,” akadaro Chitava.

Mutongi Barbra Masinire akati vaviri ava vazodzoke kudare zvakare apo aizopa mutongo wake.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×