Sandy Musungata
CHEMBERE yekuEpworth yakachema-chema mudare ichiti aimbove murume wayo ave kuidzinga pamba payagara kwemakore 27 mushure mekunge atora mumwe mudzimai achiri kutemwa dzinobva ropa.
Eunice Mahukwa akaendesa Crispen Mahukwa kuHarare Civil Court achiti:
“Ini ndakwegura asi baba ava vava kundidzinga pamusha pandachemberera. Vari kunditi ndibve pamba pangu pandava nemakore 27 ndichigara nekurerera vana vangu nekuda kwekuti takarambana.
“Pamba ndakarima mbambaira dzangu uye ndakaisa maroja dzimwe dzimba. Asi ari kuita tsika yekuuya kuzotora mari iyi inova ndiyo inondiraramisa nekuti handishande achinoipa mudzimai wake waava naye.”
Crispen akaudza dare kuti vakange vasingawirirane pakugarisana kwavo naEunice nekuda kwenyaya yekugovana mari inobhadharwa nemaroja.
“Ishe, nyaya yakaitika ndeyekuti amai ava ndakavati vanofanira kupota vachindipawo mari kubva kumaroja. Asi havana kundipa kana sisipenzi kubva 1991 patakarambana.
“Nguva yapfuura iyi ndiyo yandakazoti ko ndinofirei imba yacho iri yangu yandakatenga, saka ndakazomuti abve. Nditori netsamba dzemba yacho kuratidza kuti ndeyangu uye imwe nyaya haasi kubhadhara mutero wemba zvekutoti tatova nechikwereti chakakurisa,” akadaro Crispen.
Eunice akabva amugamha achiti: “Mapepa avanawo ndeekunyepa, vakanoatora iko zvino ndokubva vadzimisa zita rangu.
“Stand iyi takaitora kuma1983 chaiko ndikatotanga ndini kupagadzira kuti paite pamba. Nhasi oti anoda kundidzinga? Mari anoida yei ini ndiri ini ndiri kugara nevana?”
Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Eunice ndokuti panyaya yemba vaviri ava vaende kumatare anogadzirisa nyaya dzakadai kuitira kuti vagovaniswe midziyo mune zvakanaka.




