‘Handimi amai vangu, ndakaudzwa nababa’

Cassius Mushore
AMAI vekunangwa huroyi nemwana wavo vachinzi ndivo vakauraya baba vake vakachema-chema mudare vachiti vashaiswa rugare nemwanakomana wavo uyu. Alice Museve akamhan’arira mwana wake Stephen Museve kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimufurufusha achimuti haasi amai vake.

“Mwana wangu anonditi ndiri muroyi, hanzi ndini ndakauraya baba vake ndavatema nepoto. Ndinoshaya kuti zvose zvaari kutaura ari kuzviwanepi nekuti baba vake pavakashaya akanga ari mudiki kwazvo. Ndakatanga kugara naye baba vake pavakashaya.

“Anonditi kana ndikafa ndinofanira kunovigwa kumusha kwangu, kwete kwababa vake nekuti haandide. Anotizve handisi amai vake achindideedza kuti tete, kana vanhu vemuraini matinogara anofamba achivaudza zvisingaite. Nhasi ondiramba nekuti akura?” akadaro Alice.
Akati hama dzake dzikamushanyira Stephen anodzidzinga pamba.

“Akatodzinga mukadzi wemukoma wake pamba apa uye ari kungogara, haana kana mari yaari kubhadhara asi munhu ane mhuri. Netsitsi dzandiinadzo ava kutondishungurudza.”

Stephen akaramba kuti amai vake vapihwe gwaro redziviriro achiti anonetsana navo nekuti vanoda kuchinja zita remba vachibvisa rababa vake vachiisa ravo.

“Baba vangu ndivo vakandiudza kuti havasi amai vangu, saka iniwo handivatore saamai vangu. Ini naamai ava hatitaudzane, tikaonana kungopfuudzana chete kana kumhoresana hapana,” akadaro.
Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Alice.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *