‘Koscienly achange apora svondo rino’

ARSENAL inovimba kuti Laurent Koscielny achange apora svondo rino kuti azotambe mumutambo wavo neSunderland. Chizvarwa chekuFrance ichi chakakuvara mumutambo weArsenal neNorwich svondo radarika uyo wakapera uri mangange 1-1 chakatsiviwa naGabriel. Asi zvinonzi haana kukuvara zvakanyanya uye maGunners anovimba kuti Koscienly achange ave kuita gadziriro dzake pakupera kwesvondo rino kuti azotambe mutambo weSunderland.

Alexis Sanchez naSanti Cazorla vakakuvarawo zvakare mumutambo uyu uyo wakatambirwa kuCarrow Road asi vachiri kumboongororwa nemachiremba eArsenal. Mutambi wekumashure, Kieran Gibbs, akapotsa mitambo miviri yeArsenal yadarika nekuda kwegumbo rake range akakuvara, asi ari kutarisirwa kunge apora svondo rino uye anogona kunge ari muchikwata chichasangana neSunderland.

Mutambi wekumberi, Theo Walcott, anotarisirwa kupedza nguva refu asingatambe. Haasati ambotamba kubvira paakakuvara musi wa27 Gumiguru apo Arsenal yakakundwa 3-0 neSheffield mumutambo weCapital One Cup. Ave kutarisirwa kutanga kuita gadziriro dzake zvekuti panguva yeKisimusi achange achitamba nhabvu. — Sky Sports News

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *