Handina daka naBenzema: Valbuena

MATHIEU Valbuena anoti haana dambudziko kana akanzi atambe muchikwata chimwe chete naKarim Benzema vachitambira nyika yavo France.

Mutambi weReal Madrid, Benzema, parizvino akambomiswa kutambira France zvichitevera nyaya yekuti aityisidzira Valbuena achiti aida kumufumura nekuda kwenyaya yake ine chekuita nebonde (sextape) iyo ichiri kuongororwa kumatare edzimhosva.

Asi Valbuena ari kurakidza kuti haana hanya nenyaya iyi, ndokuti kana vatambi vaviri ava vose vakasarudzwa kuti vagomirire nyika yavo kumutambo weEuro 2016 – uyo uchatambirwa kuFrance kwakare – anobvuma kutamba naBenzema muchikwata chimwe chete.

“Tichaona kuti zvichafamba sei, asi hongu handione pane dambudziko, zvose zvose zvinogona kuitika,” akaudza TF1. “Haana kuuraya munhu ka”.

Chinzvimbo chaValbuena muchikwata ichi chinogona kunetsa kuwanikwa mushure mekusakwaniswa muchikwata chakasangana neGermany neFrance panguva iyo nyaya iyi yaiongororwa.

Yanga iri nguva yakaoma muchikwata cheFrance nekuda kwenyaya yekubhombwa kwakaitwa Paris nevapanduki apo vaitamba neGermany muguta guru iri.

“MaEuros ndoatange tichironga tichigadzirira kwemakore maviri adarika,” Valubuena akawedzera. “Takamagadzirira zvakasimba uye handimbofunge zvekuti handimbomatambe.

“Handizive kuti zvichafamba sei. Ndakataura nemurairidzi wedu asi handisi kuzokuzivisai kuti takawirirana kuti kudii. Takataura pamusoro penyaya dzakawanda chaizvo.” —Daily Mirror Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *