Kuita maronda mukanwa

MARONDA emumukanwa chirwere chinogona kungonyuka chega asi pane dzimwe nguva chinokonzerwa nemhando yechikafu chinenge chadyiwa nemunhu.

Kudya zvinopisa, zvinomara mukanwa kana chikafu chisingawirirane nemunhu zvinogona kukonzera maronda emukanwa.

Bhuku rakatsikiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, iro rinonzi Your Health Your Life rinoti maronda aya anenge achirwadza pangave parurimi kana mukati mematama nekuti nzvimbo idzi dzine rimwe ganda dete.

Anogona zvakare kukonzerwa nekuzviruma panguva yekudya kana kuti pakugeza mazino.

Kunon’ona mazino nezvimuti kwakaipa zvakare nekuti kunoita kuti mukanwa muite maronda, mamwe acho anetenge achigara achibuda ropa.

Kudzivirira maronda mukanwa:

Zvakakosha kuti vanhu vadye chikafu chavo vasingamhanyi kuitira kuti vasazviruma nyama dzemukanwa.

Kuregedza kungotora chikafu chaunoona kuti chine mikana yekukuvadza mukanwa.

Usadye kana kunwa svutugadzike yerudzi rwecoffee, masipaisi, chikafu chine munyu wakawanda, kuputa fodya kana mimwe michero inorwadzisa ganda remukanwa.

Gezai mumukanwa nemvura inodziya iine munyu kudzivirira maronda kana humwe utachiona hungangokonzera maronda mukanwa.

Kutora mapiritsi anoderedza marwadzo kwakakosha zvakare.

Vanhu vanofanira kumbomira kupanana tsvodo panguva iyo vanenge vaine maronda mukanwa senzira yekudzivirira kutapurirana utachiona. Mamwe maronda emukanwa anopedzisira ave kubuda kunze kwemuromo nokudaro anenge achida kurapwa uye kugara akatsvinda kuitira kuti akasike kupora.

Kufunga zvakadzama (stress) kunogona kukonzera maronda emumuromo apo musoro unotema uchizoguma nekubuda kwemaronda.

Zvisinei, mushure memazuva manomwe kana gumi maronda aya anogona kungopera.

Asi mamwe emaronda emukanwa anogona kuve zviratidzo zvezvirwere zvepabonde seHIV neHerpes kana gomarara. Vanhu vanokurudzirwa kugeza mazino pose pavanopedza kudya, zvikuru munguva dzemanheru apo vanenge vave kugadzirira kurara nekuti ndiyo nguva huru yavanopedza vakavhara muromo varere zvinopa mikana yakakura yekuti utachiona hubereke.

Kana mazino achinge awora, anofanira kugara akachena kuburikidza nekubvisa tsvina inopaikira mukati uye anofanira kunamwa maburi nemachiremba emazino kana kubviswa zvichienderana nehudzamhu hwekuwora kwawo.

Mamwe maronda anogona kuita pahuro chaipo nekuda kwechando kana kuti kumedza huruva yakawanda. Zvakakosha kuti murwere aende kunoona chiremba kana achinge aita maronda mukanwa pane kuachengeta nekuti idenda rinogona kuzokura.

Related Posts

Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete). Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi…

Gweja azviitira tsvina mudare nekutya mutongo

Ray Bande DARE reMutare Regional Court rakambomira zvishoma kutonga nyaya mushure mekunge mukorokoza aipomerwa mhosva yekuda kuuraya munhu azviitira tsvina asati apihwa mutongo svondo rapera. Ernest Gwayakwaya (22) wemumusha waMushati…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *