‘Handina mari, ndinotochengetwawo’

Kudakwashe Chinokuya
SAMUSHA wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake nenyaya yekuriritira mwana wake akachema-chema achiti hapana kana kobiri raanokwanisa kubhadhara sezvo achitochengetwawo nevabereki vake. Peggy Goredema akamhan’arira Victor Gatawa (35) kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana.

“Changamire, ndinoda $120 pamwedzi yekuti ndikwanise kuchengeta mwana wangu mumwe chete. Ini ndoga zvava kundiremera nekuti ndinoita basa rekutengesa pamusika asi mari yacho haisi kukwana. Pamwedzi ndinogona kuwana $10 chete,” akadaro Goredema.

Akati Gatawa anoita zvekutengesa zvakare asi haasi kumubatsira pakuriritira mwana wavo.

“Murume uyu anoita zvekutengesa achiwana mari inokwana kuita $200 pamwedzi asi haasi kukwanisa kuriritira mwana wake. Ane mumwe mukadzi nevana vaviri vaanogara navo. Mari yandiri kuda ndeyekutengera mwana mbatya neyunifomu, chikafu pamwe neye kubhadhara kuchikoro,” akadaro.

Gatawa akaudza dare kuti hapana mari yaaikwanisa kubhadhara nekuti zvinhu zvakamuomera. “Handina mari yandinokwanisa kumupa nekuti mazuva ano ndiri kuchengetwawo nevabereki. Mari yaari kutaura kuti ndinowana yaiva yekare nekuti basa racho ndakasiya.

“Pari zvino handina kubasa kwandiri kuenda, zvinhu zvakatondiomera uye mari yaari kutaura handiikwanise. Dai dare randirerutsirawo nekuti ndine imwe mhuri yandigere nayo,” akadaro Gatawa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Gatawa abhadhare $50 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *