Harare Basketball League yokwangwaya

SANGANO reHarare Basketball League riri mushishi kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kuritsigira kusimudzira mutambo uyu zvichitevera kutanga kwakaita mitambo yeligi masvondo matatu adarika.

Ligi iri rave nemakore akawanda richishaya vakotsveri izvo zvave kutadzisa zvikwata zvakawanda kusimudzira tarenda revatambi.

Kubvira makore adarika, Harare Basketball League iri kurarama nemari dzinobhadharwa nezvikwata kuti zvive nhengo dzeligi iri.

Mukushi wemashoko weHBL, Carlos Munda, anoti ligi ravo rinoshuvira zvikuru kubika vatambi vebasketball vemhando yepamusoro asi vari kukundikana sezvo vasina vatsigiri.

Anoti vatambi vebasketball vazere vane matarenda anodadisa asi vazhinji vacho hapana kwavari kusvika nekuda kwekushaya vakotsveri. Izvi, sekutaura kwaMunda, zviri kudzorera mutambo uyu kumashure.

“Tichiri kumashure pane dzimwe nyika panyaya dzemutambo uyu nekuti hatisi kunyatsobika vatambi vechidiki sezvo tiri kushaya vakotsveri vanokwanisa kutibatsira tisimudzire mutambo uyu.

“Chishuwo chedu kuti tibike vatambi vakawanda vanobva muligi redu vanozokwanisa kunomirira nyika vachikwikwidzana nezvimwe zvikwata zvekunze.

“Tave nemakore matatu tichishaya vakotsveri izvo zviri kudzorera mutambo uyu kumashure. Izvezvi tiri kungorarama nemari dzinobhadharwa nezvikwata zvose zviri muHBL. Ligi redu kukura riri kukura asi kushaya vakotsveri ndiko kuri kutidzosera kumashure parizvino,” akadaro Munda.

Gore rino muligi reHBL mune zvikwata 36, zvinoti 12 zvichange zvichikwikwidza muGroup A, 12 zvemuGroup B kozoti zvimwe 12 zvakare zvemuligi remadzimai.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×