‘Handingaite mwana natsano’

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akanga akatarisana nenyaya yemendenenzi akati mwana haasi wake achiti mukadzi uyu ndi “tsano” vake.

Mary Sande akamhan’arira Tafadzwa Chirendo kuHarare Civil Court achida $100 yemendenenzi apo ainzi haazi kuchengeta mwana wake.

“Changamire, ndiri kuda kuti baba ava vawanewo chavanoitira mwana pakuchengetwa kwake nekuti kubva iri nhumbu hapana kana chaakaita achiramba kuti mwana haasi wake. Ndiri kukwangwaya izvozvi nemwana ivo baba vake varipo, ngaandipe hake mari yekuchengeta mwana nekuti ini handina chandiri kuita,” akadaro Sande.

“Pandakamuudza zvenhumbu kare ikako akatondipa mari akati ndibvise pamuviri ipapo achiti ndikaramba haaizochengeta mwana iyeye. Takagara naye zvemutsimba kwemwedzi mina tichichaya mapoto.”

Chirendo akaudza dare kuti iye haasi baba vemwana uyu nekuti haana kumbobvira asangana naSande.

“Amai ava ihama yangu pakuti sisi vake vakaroorwa nehanzvadzi yamaiguru vangu. Hapana kana pandaimbovada nekuti nditsano vangu uye dare ndinoda kuti rinzwisise kuti handina kumborara naye uye handinwe doro zvekuti zvimwe aigona kuti ndakamubata ndakadhakwa.

“Chakaitika ndakakumbirwa kugara navo hameno akanga avamitisa pahukama hwavo asi ndakanzwa kuti vaiva vamwe tsano. Saka zvichida pane akavafurira kuti chitongoti ndiye muridzi wenhumbu.

“Pandakaona kushanduka kwemuviri ndakabva ndavadzosa kumba kwavo asi ndokutanga kuramba zvekutoti imba yangu yakanga yatoparara nenyaya iyi.

“Ndakatosvika pakutema vabereki vake nematombo vauya naye,” akadaro Chirendo.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Sande adzoke kudare nevafakazi vanozopupura kuti vakambogara vose naChirendo semurume nemukadzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×