‘Kana uchida nezveupenyu siyana nemurume wangu’

MUKADZI mudiki pabarika akazopotera kudare apo aiti afemeswa navahosi apo vaviri ava vanenge vachirwira murume wavo.

Florence Mashuwa akamhan’arira Rachel Chirwa kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

Mashuwa akaudza dare kuti: “Amai ava vanouya kumba kwangu kuzondirova vachitaura mashoko akashata pamusoro sekunditi pfambi. Vanoti vanoda kundiuraya nekuti ndakatora murume wavo asi ini ndakadiwawo nekuda kwekugeza nerunako rwangu. Ngavapedzerane nemurume asi wedu tose.

“Zvibvunze wega kuti murume wako akandipfimbirei.”

Chirwa haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMashuwa achiti haaregi kumushungurudza kusvikira asiyana nemurume wake.

“Ndini ndave kutenge pfambi, kutondiunzira murume wangu kudare. Kana uchida kuti ndisiyane newe tanga wasiyana nemurume wangu. Vana vangu vari kudya nhoko dzezvironda, kuchikoro havachaenda nekuda kwako.

“Ndiwe wakaita kuti mwana wangu afe. Murume wangu akatadza kurapisa mwana wangu iwe uchiita basa rekudya mari yake. Kana uchida zveupenyu hwako siyana nemurume wangu utsvage wako.

“Ndave kutotya kuti muchatizadza zvirwere,” akadaro Chirwa.

Mutongi Barbra Masinire akati Chirwa erege kushungurudza Mashuwa nenzira ipi zvayo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×