Vaimbi vechidzimai vobatsira vanotambura

Abel Ndooka

SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA) riri kuita basa guru rekubatsira vanhu vanotambudzika munzvimbo dzakasiyana pamwe nekusimudzira mhanzi yenhengo dzaro.

Sachigaro wesangano iri Hetisani Mharidzo uyo anove muvambi waro anoti vari kusimudzira mhanzi yevaimbi vechidzimai uye mabasa akasiyana ekubatsira vanhu vanotambudzika munzvimbo dzakasiyana.

“Isu takaungana sevaimbi vechidzimai vechitendero tikarangana kuti ngativambe sangano redu iro tinenge tichibatsirana kusimudzira mhanzi yedu. Kana uri muimbi uchingotanga mhanzi kunyanya madzimai unosangana nezvakawanda zvinosanganisira kutsikirirwa pasi saka isu chinangwa chedu kuti tirwire kodzero dzemadzimai ari mumhanzi uye tigobatsirana kukura kwavo muindastiri iyi.

“Tiri kuita zvakawanda kusanganisira kubatsira vanhu vanotambudzika, kushanyira kumajeri tichinoshumira pamwe nekupa masanitary pads kumadzimai ari kujeri. Mari yatinoshandisa iyi tinenge takangobatanidza tumari tushoma itwotwo twatinatwo,” anodaro Mharidzo.

Sangano ravo reZFGAA parizvino rine nhengo 56 dzin osanganisira Blessing Gwara, Sally Chamunorwa, Letty Chawira nevamwe vanogara kuSouth Africa kozoti Beatrice Masvingise naMatilda Tekeshe vari kuEngland.

Anoti sangano ravo rine hofisi iri muHarare iyo vanotengesera mhanzi yenhengo dzavo uye nekufamba kwenguva vachange vachivhura mahofisi kumapurovhinzi akasiyana kuti mhanzi yavo itekeshere nyika yese.

“Nhengo dzedu kusvika parizvino i56 uye tiri kutarisira kuti tichatowedzera. Nguva nenguva tinoronga mashoo atinoridza tose uye mukufamba kwenguva tine shoo yatiri kuronga yekuSouth Africa ichange ine nhengo dzedu dzinogara kunyika iyoyo nevamwe vatichatakura kubva muno kozoti zvikafamba zvakanaka ticharonga imwe yekuEngland,” anodaro.

Mharidzo vazhinji vanomuziva nekambo kake kakanetsa mugore ra2018 kanonzi Born Again.

Anoti ari pakati pekubika dambarefu rake rechitatu.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *