Handivhunduke: Manyuchi

. . . ndakazviita kare, ndichazvidzokorora 

Abel Ndooka —
SHASHA yetsiva yepasi rose – Charles Manyuchi – anoti hapana chichamutadzisa kuchengetedza bhande rake apo achasangana naQudratillo Abduqaxorov chizvarwa chekuUzbekistan kuSingapore svondo rinotevera.

Manyuchi, uyo ane bhande reWorld Boxing Council Silver welterweight – akasimuka svondo rino achibva nekuZambia kwaange achiita gadziriro dzake akananga kuSingapore uko acharwira kuchengetedza bhande rake. Mutambo wake naAbduqaxorov uriko nemusi wa25 Kurume.

Achitaura asati asimuka, Manyuchi anoti haasi kuvhunduka uye hapana chichamutadzisa kunohwina.

“Mutambo uyu ndange ndakaumirira zvikuru, yasvika nguva yekuti ndichirakidza pasi rose kuti ndiri shasha. Bhande iri nderangu uye ndicharamba ndinaro, ndichirirwira kuti ndirambe ndinaro ndigozounza mufaro kunyika yangu.

“Hapana chinonditadzisa kuzviita, ndakazviita kare saka ndiri kuzvidzokorora zvakare svondo rinotevera,” anodaro Manyuchi.

Muchinda uyu akakwanisa kuhwina mutambo uyu anenge ave nemukana wekuramba achisimukira zvekuti anogona kuzowaniswa mukana wekurwa nevatambi vane mukurumbira vakaita saAmir Khan naManny Pacquiao.

Parizvino Manyuchi akakwanisa kuchengetedza bhande rake achirwira kunyika dzekuEurope izvo zvakamuona achikunda Gianculla Frezza wekuItaly akazokunda zvakare Dmitry Mikhaylenko uyo waakatorera bhande reWBC Silver.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×