Pairesi yandirozva: Kumene

Abel Ndooka —
MUIMBI weSungura — Lucky Kumene — ari kuchema-chema zvikuru pamusoro pekutengeswa kwedambarefu rake rechipiri, Vape Moyo, iro raakaburitsa gore radarika pamusika wemukoto achiti zviri kumudzosera kumashure zvakanyanya.

Kumene — uyo anotsigirwa nechikwata chePower Express — anoti dambarefu rake idzva iri harina kufamba zvakanaka nekuda kwepairesi.

“Pairesi yakaoma zvikuru, ndakakatyamadzwa ndaenda kuZvishavane kushoo ndikaona maCD aitengeswa achinzi ndeangu. Kune vanhu vave kutoita tsika yakashata yekuti vari kutsikisa mhanzi voisa kana mufananidzo yavo voti ndivo Lucky Kumene ivo vasirivo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dzimwe dzenguva munhu iyeye anenge anzwa mhanzi yemuimbi ichirira panhepfenyuro dzakasiyana otsvaga kuda kupfuma nemazita edu.

“Isu vatsigiri vedu pavanotenga maCD aya voona asiri edu vanosvika pakushora ini Kumene asi hapana chandinenge ndichiziva. Zvinotozondishaisa zvakare vatsigiri kumashoo angu,” anodaro Kumene.

Dambarefu remuimbi uyu rekutanga rinonzi Porongi uye anoti ari mushishi kutsikisa mavhidhiyo emadambarefu ake maviri aya.

Anoti paachaburitsa DVD rake iri, achatsvaga nzira dzakasimba dzekurwisa pairesi.

“Ndakadzidza kuti chinodiwa kurongera pairesi, ndiri kubika DVD rangu uye ndinoziva kuti vakomana vepairesi vakatorimirira.

“Manje rwendo runo ‘havalume’. Hapana chavanokohwa,” anodaro Kumene.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×