Trust Khosa
MUIMBI wemusambo wereggae ane mukurumbira King Isaac, uyo pari zvino ari kugara kuUnited States, anoti hapana nzvimbo inokunda kumusha.
Mudzidzisi wezvekuimba uyu, uyo ane dambarefu rinonzi “Isaacs Meets Isaac”, raakaimba akabatana nemushakabvu Gregory Isaacs, uye akazosarudzwa kupinda mumakwikwi eGrammy Awards muna 2010, anoti kuZimbabwe kucharamba kuri kumusha kwake.
Apedza makore akawanda achirairidza zvekuimba mhiri kwemakungwa uye kubatana nevamwe vaimbi veko.
Pari zvino, King Isaac akadzoka kumusha uye ari pazororo.
“Kuuya kumusha kwagara kuri chiitiko chakasanangurika. Mukana unofadza wekuonana nemhuri neshamwari.
“Mukana mukuru zvakare wekushanyira mastudio emuno akasiyana-siyana, kutsikisa mhanzi uye, panguva ino, kuita mashoo.
“Izvi zvinhu zvandaishuvira zvandakange ndisingakwanisi kuita. Zvinofadza zvakanyanya kuve kumusha; hapana nzvimbo inokunda kumusha, semataurirwo azvinoitwa.
“Chikafu, mweya wekufema, mamiriro emuchadenga, mushana, kugamuchirwa nevanhu vedu uye kusunganidzwa zvakare nenzvimbo yandakaberekerwa. Hapanai chinodarika izvi,” anodaro King Isaac.
Anoti ari kunzwa manyukunyuku neshoo ichaitwa senzira yekumuchingamidza kuTheatre in the Park, muHarare, nomusi weMugovera.
Semumwe wenyanzvi dzereggae muZimbabwe, anovimbisa kuti achaita zvinorova pashoo iyi.
Achange achitsigirwa neshasha dzevaimbi vakasiyana-siyana avo vave nemakore akawanda vari muindasitiri yezvemimhanzi.
“Vatsigiri vedu vachawana mukana wekuona pamwe nekunzwa King Isaac achiita shoo. Tine chikwata chakasimba chine nyanzvi dzave nemakore akawanda dzichiita zvekuimba chinonzi Royal Council.
“Saka vatsigiri vedu ngavatarisire shoo yemhando yepamusorosoro ine nziyo dzose dzavanoziva uye dzavanoda,” anodaro.
King Isaac anogona kunge asingazivikanwi nevamwe vanhu muHarare asi ane mukurumbira kuJamaica, United States nedzimwe nyika dzekuNorth America, uko anogara achiita mashoo.
Anotaura zvakare nekusarudzwa kwaakaitwa kuti apinde mumakwikwi eGrammy Awards.
“Kusarudzwa kupinda mumakwikwi eGrammy ibudiriro huru youpenyu apo munhu anocherechedzwa nekusimudzira kwaanenge aita nyaya dzemimhanzi kweupenyu hwose.
“Ndicharamba ndichirumbidza kusarudzwa kwandakaitwa uku, asi ndinovimba kuti zvakanyanya kunaka hazvisati zvauya.
“Mhanzi yemuZimbabwe yagara ichitambirwa zvikuru kunze asi tinoda mikana yakawanda yokuti mhanzi iyi inzwikwe uye zvikwata zvakawandawo zviridze pasi rose.
“Gore rino rose, tichange tichibura nziyo itsva nemavhidhiyo.
“Ndisati ndauya kuHarare, ndakadarika nekuMalawi, ndokugarako kwesvondo rose, uko ndakaimba nemuimbi anonzi Malaulo, tikatsikisa basa redu naDJ Sley. Takaita vhidhiyo zvakare. Iri ibasa rinodakadza uye rinovimbisa zvakanaka mune ramangwana,” anodaro King Isaac.




